‘Vezvitoro fambiranai neZim-Asset’

Denford Mutashu
Denford Mutashu

SANGANO reConfederation of Zimbabwe Retailers rinoti vari mumabhizimisi ekutengesa zvakasiyana, kunyanya zvekudya, vanofanira kufambirana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, kuburikidza nekusimudzira kutengeswa kwezvinonhu zvakaita sechikafu zvinogadzirwa muno.

Muhurukuro neKwayedza, mukuru weCZR VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vari kuhodha zvizhinji zvavanotengesa kunze kweZimbabwe izvo zviri kudzosera shure makambani emuno.

“Tikatarisa zvinhu zvizhinji zviri muzvitoro, zviri kubva kune dzimwe nyika zvakatopera kugadzirwa. Sangano redu riri kuda kushanda zvakasimba kuitira kuti zvitoro zvemuno zvikwanise kutengesa zvinhu zvakawanda zvinenge zvichigadzirwa nemaindasitiri emuno. Izvi zvinoita kuti mari itenderere munyika zvichikudzawo indasitiri yemuno.

“Vezvitoro ndivo vanoita kuti vanhu vatenge chipi zvacho chavanenge vashambadza. Kushambadza kunoita vezvitoro chikafu chemuno ndiko kunoita kuti vanhu vafarirewo kuzvitenga.

“Dambudziko rave pakuti tava kungohodha zvinhu zvose kunze kwenyika, chero zvatinokwanisawo kugadzira muno,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti chirongwa cheZim-Asset chinokurudzira kuvandudzwa nekuchengetedzwa kwechikafu naizvozvo vezvitoro vanofanira kushandawo nesimba kukurudzira izvi.

“Vezvitoro vanofanira kuva nehukama hwakasimba nevarimi vezvirimwa zvekutengesa pamwe chete nevemaindasitiri nekuti munhu anoziva kuvapo kwezvinhu kuburikidza nekuenda kwazvinotengeswa kazhinji kwete kwazvinogadzirwa. Izvi zvinoratidza kukosha kwezvitoro mukukurudzira kushambadzwa kwezvigadzirwa zvemuno.

“Sesangano, tine tarisiro huru yekuti indasitiri yedu ikure, ikwanise kugadzira zvinoenderana nehuwandu hwevanhu vemuno nekuti pari zvino haisi kukwanisa.”

VaMutashu vanochema-chema pamusoro pemimwe mitengo yezvekudya iyo yavanoti yakanyanya kukwira. Vanoti vazhinji vachine pfungwa yekukwidza mitengo iyo yakanga yakurumbira panguva yaishanda mari yemuno.

Vanoti seCZR, vari kutarisira kuita musangano mukuru gore rino weZimbabwe International Retailers Convention apo vachasangana nanamuzvinabhizimisi vekune dzimwe nyika pamwe nemakurukota eHurumende kuti vakurukure pamusoro pekuti makambani emuno osimudzirwa sei.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×