Mighty Warriors yatarisana negomo

CHIKWATA chenhabvu chemadzimai chemaMighty Warriors chakatarisana negomo guru rekukwira apo chiri kufanirwa kuenda kuCote d’Ivoire kunosanga nechikwata cheko mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumaOlympics ayo achaitirwa kuBrazil gore rinotevera.

Mutambo wemaMighty Warriors uchatambirwa kunhandare yeRobert Champroux kuAbidjan musi weSvondo uye chikwata chaRosemary Mugadza chiri kufanirwa kutosunga dzisimbe kuti chigokwanisa kuhwina mutambo uyu.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana kaviri saka kuti maMighty Warriors akwanise kubudirira kufambira mberi anofanirwa kuhwina mitambo miviri. Chinenge chahwina pamitambo miviri iyi chinotarisirwa kuzosangana nechikwata chichahwina pakati peCameroon neGhana. Asi rwendo rwechikwata ichi runogona kuenda mudondo nekuti svondo rino sangano reZimbabwe Football Association rakati riri kutambudzika zvikuru kuwana mari yekutumira maMighty Warriors kuCote d’Ivoire. Mukushi wemashoko weZifa Xolisani Gwesela anoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka.

“Hatizive kuti maMighty Warriors achasimuka rinhi kuenda kumutambo wavo.

“Hatina mari, tinorevesa. Takatumira matsamba edu kuHurumende uye ticharamba tichitumira.

“SeZifa harisi basa redu kukotsvera zvikwata zvenyika, ibasa reHurumende uye zvinoitwa pasi rose kune dzimwe nyika,” akadaro Gwesela.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×