‘Mimba haisi yangu’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUSIKANA wekuti akamitiswa nemukomana uyo waakazotizira asi akaramba pamuviri apa ndokumurarisa panze achitonhorwa nechando akapotera kudare achiti anoda mari yekuti amurapise pamwe nekunyoresa nhumbu iyi kuchipatara.

Tavonga Mahleza akaendesa Godwin Mhondera kudare reHarare Civil Court achiti akamurarisa panze achiramba nhumbu yake zvikaita kuti apindwe nechando chava kumurwarisa.

“Ndakatizira pamba pavo mushure mekunge ndabata pamuviri pake asi akairamba akandirarisa panze husiku hwese, izvezvi ndava nechikosoro nekuda kwechando chakandipinda. Ndatova kutyira mwana wangu,” anodaro.

Anoti iye nemukomana uyu vavakidzani saka zita rake rava kukanganiswa nemashoko ari kufamba achitaurwa naMhondera asi haanei nazvo sezvo ari kungoda kuti abhadhararirwe mari yekuchipatara.

“Tinogara muraini rimwe chete zvekuti mashoko ake ekuramba pamuviri achiti ndinoita chipfambi ava kukanganisa mararamiro angu. Asi handinei nazvo nekuti ndiri kuda kuti abhadhare mari yekuchipatara sekuwirirana kwatakaita ndisati ndatizira kumba kwake,” anodaro Mahleza.

Mhondera anopikisana nechikumbiro chaMahleza achiti kunyangwe zvazvo aifambidzana naye, pamuviri apa hapazi pake nekuti akambomubatikidza aine mumwe murume.

“Ndaidanana naye asi pamuviri hapasi pangu, ndakamubatikidza aine mumwe murume wandinofungidzira kuti ndiye muridzi wenhumbu iyi. Handisi kutaura mashoko ekunyepa kana kutyisidzisira, chandisiri kuda kuchengeta mwana asiri wangu,” anodaro Mhondera.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaMahleza achiti anofanira kuenda kumatare anoona nezvemendenenzi..

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *