Minister Faith Dzawoma auya na‘Wakafanana NaJesu’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Minister Faith Dzawoma – akabura kambo katsva kanonzi ‘Wakafanana NaJesu’ ako anoti kanokurudzira veruzhinji kuti vave nerudo nevamwe uye vararame upenyu husina zvitadzo.

Kambo aka ndekekutanga Minister Dzawoma akazvimirira semuimbi kubva zvaapinda mune zvemhanzi.

Paakatanga kuita zvekuimba, aiimba muchikwata chekuchechi uye nekuzvikwata zvevamwe vaimbi.

“Pandakatanga kupinda mune zvemhanzi, ndaiimba kuchoir kukereke uye ndichiimba zvakare kuzvikwata zvevamwe vaimbi. Gore rino, ndakazotora danho rekuti ndichitangawo rwendo rwangu ndiri muimbi akazvimirira ndokutsikisa kambo kangu kekutanga ako kanonzi ‘Wakafanana NaJesu’.

“Kambo aka kanokurudzira vanhu kuti vararame upenyu hwakararamwa naJesu. Tose tinoziva kuti Jesu aive nerudo, aidzidzisa vanhu rudo uye kuti tirarame upenyu husina chitema,” anodaro.

Minister Dzawoma anoti gore rino ari kuvimbisa vatsigiri kuti achashanda zvikuru kubura nziyo dzakawanda dzinodzidzisa nekuvaka vanhu.

“Gore rino, ndichaburitsa mhanzi yakawanda naizvozvo ndiri kuvimbisa vatsigiri kuti vagare vakatarisira nekuti tinoda kushandura upenyu hwevakawanda kuburikidza nemhanzi,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×