Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kushushikana zvikuru nekuda kwevanhu vari kufamba nemotokari dzisina manhamba (number plates) idzo dzimwe chacho dziri kushandiswa mukupara mhosva.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti imhosva huru mutyairi kufamba nemotokari isina manhamba.
“Tatarisana nedambudziko guru revanhu vari kufamba nemotokari dzisina manhamba. Motokari idzi dzinosanganisira duku, makombi nemarori makuru. Motokari idzi dziri kufamba munyika yose saka mapurisa edu aripo kudzibata zvose nevaridzi vadzo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoenderera mberi vachiti, “Pakutanga, motokari idzi dzaifamba nguva dzehusiku asi zvino dzave kuonekwa nguva dzose dzezuva. Muongororo yedu, tiri kuona kuti dzimwe dzacho dziri kushandiswa mumabasa ekuba.”
Vanoti vatyiri vedzimotokari idzi vari kubvisiswa faindi kana kuendeswa kumatare edzimhosva kana vasungwa.

“Tine nyaya dziri kuferefetwa dzehumbavha dziri kuitwa nevanhu vari kufamba nemotokari dzisina manhamba idzi uyewo kune vanhu vanokwira motokari idzi kunzvimbo dzakasiyana vari kugumisira vabirwa vachitorerwa zvinhu zvinosanganisa mari, nhare nemimwe midziyo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoyambira vanhu vanofamba nzendo kuti vasiyane netsika yekukwira motokari dzose-dzose kunze kwemabhazi eZUPCO ayo ari kutenderwa kutakura vanhu bedzi pari zvino.
“Kwakadzikwa mutemo wekuti vanhu vasafambe asi vagare kudzimba sedanho rekurwisa denda reCovid-19. Asi vamwe vanhu nekusada kugara kudzimba, vari kuguma vofamba nehusiku nemotokari dzemakoronyera idzi votakurwa apo vanozobirwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Kwayedza yakaita ongororo yemotokari dzisina manhamba idzi mumigwagwa yemuHarare nekuChitungwiza ikaona kuti dzawandisa, pamwe pacho dzinotofamba dzakawanda panguva imwe chete kunge dzichatodarika dzine manhamba.
Pane imwe nguva – mangwanani emusi weChitatu svondo rapera – Kwayedza yakaona mota shanu dzose dzisina manhamba dzakatodungamidzana nedzimwewo dzichisvika paimiswa motokari nemapurisa mumugwagwa unobva kuChitungwiza uchipinda muHarare.
Zvakaonekwawo kuti mazuva ano kungomira bedzi chero mumugwagwa upi muHarare, hakudarike maminetsi kana mashanu kusati kwadarika mota isina nhamba.



