Chimoto chegumbeze parufu

Abel Zhakata
PAKAVE nebhaisikopo remahara parufu rweimwe mbavha kwaZimunya, kwaMutare, apo mumwe wevanhu vaiva panhamo apa akaona gumbeze rake iro rainge rakabiwa rakatoputiriswa chitunha.

Mumhan’ari uyu akabva ati anoda gumbeze rake zvisinei nekuti rainge rakaputiriswa chitunha chemutorwa.

Gumbezi iri rakatorwa rikaendeswa kumapurisa kuti rizomira seumbowo pamhosva iyo inofungirwa kuti yakaparwa namushakabvu Amos Nyaira wemubhuku rekwaGosho pamwechete nevamwe vake vaviri.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Gumbeze rakawanikwa iri richashandiswa seumbowo pamhosva dzakaparwa nemufi uyu nevamwe vake,” vanodaro Insp Kakohwa.

Nyaira nevamwe vake vaviri vari kupomerwa mhosva dzinodarika 50 dzekuba uye kubata chibharo munzvimbo yeMutare, Mutasa neRusape.

Nyaira akapfurwa nepfuti ndokufa nematikitivha mushure mekunge ava kuda kuvatema nebhemba panguva iyo airamba kusungwa maMutare.

Nyaira anonzi akatanga kunetsana nemapurisa apo vakaenda pamotokari yaainge ahaya kuti anoshandisa kuba munzvimbo yeMarange.

Anonzi paakaona kuti ainge obatwa, akatanga kuenda kwaive nematikitivha achida kuvatema nebhemba.

Insp Kakohwa vanoti matikitivha aya akaridza pfuti mudenga katatu seyambiro asi Nyaira akaramba achienda kwavaive achida kuvatema nebhemba.

Bara rechina ndiro rakazopfura nzeve yake yekuruboshwe.

“Nyaira naArnold Buwu vange vachivhimwa nemazivo matsvuku nemapurisa zvichitevera mhosva dzakawanda dzavanonzi vakapara kusanganisira dzechibharo idzo dzavakapara gore rapera nemumwe wavo, Trust Matiashe uyo ari muchitokisi.

“Matikitivha akanyeverwa kuti Buwu naNyaira vakanga vahaya motokari kuti vaende nayo kwaMarange kunoba, vakabva vavhiringwa rwendo rwavo nemapurisa pedyo neMutare Teacher’s College,” vanodaro Insp Kakohwa.

Mumwe mutikitivha ari kuferefeta nyaya iyi anoti kusungwa kwevaviri ava kuchabatsira mapurisa kuti apedzise nyaya dzange dzava nenguva refu dziri mumaoko avo.

“Chikwata ichi chakapara mhosva gore rapera uye dzanga dzava kutitemesa musoro,” vanodaro.

Zvinonzi nemusi wa8 Chivabvu, mbavha idzi dzakaita mushandirapamwe wekubata chibharo musikana webasa ane makore 23 ekuberekwa.

Vanonzi vakapinda mumba memumhan’ari arere ndokumubhinya.

Apa vainge vaine pfuti, simbi nesando.

Vanonzi vakabva vaudza mumhan’ari newaaishandira kuti vavhare kumeso ndokuba zvakare US$10.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×