Motokari yabiwa ikazowanikwa pamushika-shika

Moffat Mungazi naFidelis Chavarike

MURUME wekuHonde Valley wekuba motokari yainge yakamiswa mukati meguta reMutare svondo rino munguva dzemangwanani akabatwa zuva rimwe chetero apo akange ave kuishandisa kutakura vanhu pamushika-shika.

Philip Mandeya (28) wemubhuku raMandeya Two  kwaMambo Mutasa akasungwa akagara mumotokari iyi yemhando yeToyota Ipsum iyo yaakange aba pane imwe service station.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira kusungwa kwaMandeya pane chimwe chiteshi chemabhazi maMutare.

“Murume uyu akatora mukana wekuti Last Chauya (28) wekuNatview, kwaMutare akange asina kukiya magonhi emotokari yake yerudzi rweToyota Ipsum apo akaimisa paPetroTrade paanoshanda nemusi wa22 Chikumi nenguva dza6 mangwanani. Chauya akangovhara mahwindo emota ndokuenda nemakiyi acho, asi magonhi akange asina kukiiwa.

“Kuma5 zuva rodoka, akaenda paakanga asiya motokari yakamira achibva aona kuti yakanga isipo, ndokubvunza vamwe vaanoshanda navo nezvemotokari iyi asi hapana akaziva kuti chii chakange chaitika,” vanodaro Assistant Insp Chinyoka.

Vanoti Chauya akazokumbira rubatsiro kune mumwe munhu kuti atyaire motokari yake vachitenderera muguta iri achizama kutsvaga motokari yainge yabiwa.

“Apo vakange vari mumugwagwa weMutare-Harare Highway, Chauya akaona motokari yake ichivheneka nemwenje wema’hazards’ pachiteshi chemabhazi pedyo neVictoria Chitepo Provincial Hospital. Akasvika pamotokari yake achiita semunhu aida kukwira  ndokuwana Mandeya ari pachigaro chemutyairi.

“Asati apinda mumotokari, Chauya akazivisa mapurisa maviri – Sergeant Mtunzi naConstable Kausiyo veZRP Changadzi Support Unit – avo vaive pedyo,” vanodaro Assistant Insp Chinyoka.

Mandeya akazosungwa ndokuendeswa kukamba yeMutare Central Police Station.

Motokari iyi inokosha US$3 000 uye yakawanikwa ine zvinhu zvayo zvose zvakakwana.

Musungwa uyu akaudza mapurisa kuti akanga ashandisa makiyi ake kumutsa motokari iyi achibva atyaira.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *