‘Rusarura kune vane HIV bodo’

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, vanoshora zvikuru vanhu vachiri kuita rusarura kune vane hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere vachiti maitiro aya anodzikisira vakadai uye nekutadzisa kufambiswa zvakanaka kwezvirongwa zvekusimudzira utano

Vakataura mashoko aya pamusangano wakavaita nevatori venhau muHarare svondo rino vakabatana nemasangano akadai seZimbabwe National Network of People Living with HIV (ZNNP+) neAIDS Health Care Foundation.

“Hakuna munhu anofanira kunyara kana kudzikisirwa nekuda kwekuti ane hutachiona hweHIV kana humwe hurwere. Kana zvikadaro, munhu iyeye anotanga kuzvidzikisira opedzisira ava kunyara kuenda kuchipatara kunotora mishonga yake zvinozoita kuti agumisire ava murwere wepanhowo kana kutorasikirwa neupenyu. Imhosva pamutemo kudzikisira munhu nekuda kwedambudziko raanaro,” vanodaro.

Dr Mombeshora vanoyambira veruzhinji kuti varemekedze vanhu vane HIV kana mamwe matambudziko ezveutano.

“Sangano reWorld Health Organization (WHO) rinokomekedza nyaya dzekuwaniswa kweutano hwemhando yepamusoro muzvipatara pamwe nemishonga uye chiremerera kuvarwere pasina nyaya dzerusarura kana kusemwa kwavo. Rusarura rwunosanganisira kumiswa pamutsetse wakazvimiririra kwevarwere zvinoita kuti veruzhinji vaone kuti vanhu ava vari kurapwa chirwere chakati. Izvi zvinoratidza kuti kana zvadai hapana kuenzaniswa kwemikana nekuchengetedzeka kwevarwere panguva yavanenge vari kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa,” vanodaro.

Vanoti budiriro yese inoitwa munyaya dzeutano inodzorerwa kumashure nekuda kwenhau dzerusarura kuvarwere.

Dr Mombeshora vanoti kubva munaNdira kusvika Chikumi gore rino, Zimbabwe yakarekodha ndufu 5 932  dzinodyidzana neAIDS kana zvichienzaniswa ne5 712 dzemuna2024.

“Izvi zvinoratidza kuti ndufu dzakavapo nekuda kwezvirwere zvakarerekera kuAIDS dzakawedzera zvinova zvinotitondedza kuti tichine basa guru rinoda kuitwa kuti tideredze izvi. Kuwanda kwendufu idzi hakusi kukonzerwa nekumira kwakaita kuuya kwerubatsiro rweHurumende yeUnited States of America nekuti mishonga yemaARVs tinayo. Chinodiwa iongororo yekuona kuti vanhu vane HIV vari kutora here mishonga yavo pasina zvibingaidzo,” vanodaro.

Dr Clorata Gwanzura vanova medical officer kuNational HIV Programme kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti donzvo ravo nderekuona kuti Zimbabwe inyika ine vanhu vasina hutachiona hweHIV.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti Zimbabwe ine vanhu vangasvika 1,3 miriyoni vane HIV uye 1,2 miriyoni ndivo vari pamishonga yemaAnti – retroviral drugs kureva kuti tiri pachikamu che96 percent pakutora mishonga, apowo chikamu che50 percent chiri chevanhu vane chirwere cherurindi chinodyidzana neHIV. Kubvisa rusarura kunotangira kudzimba kuchizotekeshera mumabasa nekunharaunda. Ngatibvisei rusarura tisimudzire utano hweruzhinji nekuti kana munhu akashorwa anozvidzikisirawo iye pachake oshaya tariro neupenyu kana simba rekutora mishonga yake,” vanodaro.

Dr Gwanzura vanoti Zimbabwe yakabudirira kuzadzikisa zvinangwa zveUNAIDS zve95 – 95 – 95 Targets zvegore ra2018 – 2023.

Zvinangwa izvi ndezvekuona kuti chikamu che95 percent chevanhu vange vachiziva pavamire maringe neutano hwavo takatarisana neHIV, 95 percent vatore mishonga yavo yemaARVs uye 95 percent vange vachisimukira mumasoja avo emuviri kuburikidza nekutora mishonga.

Dr Enerst Chikwati vanova Country Programmes Manager wesangano reAIDS Health Care Foundation vanoti zvinoda mukomberanwa kuti nyika ibudirire kubvisa rusarura kuvanhu vane HIV uye dzidziso maringe nekushandiswa kwemazwi anodzikisira.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×