Mourinho ozvitemba

JOSE Mourinho ari pazororo kuBrazil uye anozvitemba kuti achawana rimwe basa nekuti murairidzi wepamusoro-soro, sekutaura kwemumiriri wake.

Jorge Mendes akaudza Sky Sport Italia kuti, “Mourinho ari kuBrazil iye zvino. Regai tione zvichaitika paanodzoka.

“Jose anoda kunge akagadzikana mubasa rake nekuti ndiye shasha pasi rese pakurairidza nhabvu.”

Mourinho anga achinzi anodiwa nezvikwata zvinoti Roma neManchester United asi Mendes akaramba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya idzi dziri kutenderera maringe nemuchinda uyu aimbove murairidzi weChelsea.

Mendes akawedzera kuti, “Hameno kuti tichamuona here achirairidza kuItaly. Parizvino, handisi kuzotaura pamusoro peSpain kana England kana Italy. Asi ndinosimbisa zvakare kuti ndiye shasha pasi rese mukurairidza nhabvu uye iye zvino ambori pazororo.”

Mendes, uyo ane mukurumbira pakumirira vatambi vakawanda, anoti Cristiano Ronald uyo waanomirira zvakare acharamba achitambira Real Madrid kusvika asiya nhabvu.

“Ari kunzwa zvakanaka uye ari kushanda zvakasimba kuti abudirire mwaka uno,” akadaro Mendes. “Acharamba achitamba nhabvu kusvika ave nemakore 40 okuberekwa achitambira Los Bloncos.” – Daily Mirror Football

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×