Gadziriro dzechikoro … Vabereki, vana chipata-pata … Zvimwe zvitoro zvoita mari

 

Mai Faith Ndlovu naBrendan Butau mushure mekumutengera yunifomu nemusi weChipiri svondo rino. - Mufanidzo: Beauty Muchakazi
Mai Faith Ndlovu naBrendan Butau mushure mekumutengera yunifomu nemusi weChipiri svondo rino. – Mufanidzo: Beauty Muchakazi

YAKANGE iri batai-batai svondo rino muHarare nekune dzimwe nzvimbo nyika yose apo vabereki nevana vaitanga bishi kugadzirira kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya mushure mekumbofara pazororo reKisimusi neGoredzva.

Vabereki vakaonekwa vachitengera vana vavo zvekushandisa kuchikoro zvinosanganisira mayunifomu, mabhuku, zvekudya, matirangi nezvimwe zvakangowanda.

Kwayedza yakaita ongororo muguta reHarare ndokuita hurukuro nevamwe vabereki vaigadzirira vana vavo kuvhurwa kwezvikoro.

Mai Kudzai Mutakura (37) vekuEast View, vanoti mitengo yemidziyo yechikoro haina kumbokwira asi mari ndiyo iri kunetsa kuwana izvo zviri kuita kuti vapedzisire vave kutenga zvinhu izvi kuvatengesi vepanze.

“Mazuva ano hazvisi zvekungotenga usina kutanga wacherechedza mitengo yezvinhu. Pandapinda mune chimwe chitoro ndaona yunifomu yemwana wangu ichiita $21 saka ndazotenga mbiri panze ne$30 kureva kuti imwe chete yange ichiita $15 panze ipapa. Bhachi (blazer) rekuchikoro ndariwana ne$33 pachinzvimbo che$55.

“Saka ndinoona kuti zvandirerukira kana ndichienzanisa nemari yandange ndichashandisa dai ndazvitenga muchitoro. Zvakare, mayunifomu acho akangofanana,” vakadaro Mai Mutakura.

Mudzimai uyu akange ari kutengera mwanakomana wake, Prince Mureri, yunifomu uyo ari kuenda kunoita Form 1 paPrince Edward High, muHarare.

Mai Faith Ndlovu, avo vakange vari mune chimwe chitoro vakakwanisawo kutengera mwana wavo – Brendan Butau (5) – yunifomu apo ari kugadzirira kutanga Zero Grade paAlex Park muHarare.

Mwana uyu airatidza kufara zvikuru kuve neyunifomu itsva zvekuti akatamba muchitoro ichi zvinova zvakakwezva vamwe vatengi.

Vatengesi vepanze vairatidzawo kufara nemukana uyu, uyo vakati ndiyo nguva yavanoita mari pasina kushandisa simba rakawanda rekudeedzera.

“Imi muri kutitorerei mifananidzo? Takuonai, (vachireva vatori venhau) regai timboita mari godo renyu nderei? Hamudi vanhu vanoshandisa mukana wavo nei? Munoda kuti tiraramire kupi? Ndimi muri kutikokera vanhu vekanzuru nezvamunonyora,” akadaro mumwe mukadzi aitengesa masokisi echikoro pamusuwo pechitoro cheBata. Zvakadaro, mukukushi wemashoko kukanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vacharamba vachisunga vatengesi vepanze senzira yekuderedza huchapa muguta.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *