Kingstone Mapupu
RUFU rwemurume ane makore 24 okuberekwa wekuBudiriro 1 muHarare, uyo anonzi akafa asina kurwara, rwokonzera mitauro yakawanda-wanda sezvo achinzi akashaya achitamba-tamba chinhu mudumbu mushure mekunge aba power bank.
Mushakabvu uyu, Kudakwashe Matambo, aiita basa rekugeza motokari dzevanhu padyo nenzvimbo yemabhizimisi yeTichagarika Shopping Centre kuGlen View 8.
Pane mashoko anoti Matambo akatora power bank mumotokari yaaigeza mushure mekunge vakatadza kuwirirana nemuridzi wayo.
Zvinonzi izvi zvakaita kuti ashandisirwe mishonga izvo zvakazokonzera rufu rwake.
Mamwewo mashoko anoti Matambo nemumwe waaigeza naye motokari vakazobawo imbwa yemumwe munhu vakanetsana zvekare.
Vanhu vaaishanda navo mukugeza motokari havana zvakawanda zvavakada kutaura nekuda kwekufa kwemumwe wavo pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza svondo rapera.
“Mukomana wamunotaura taishanda naye, ehe akafa asi hatina zvizhinji zvatinoziva. Endai pamba paambuya vake paaigara apo. Chatinogona kukutaurirai ndechekuti taishanda naye chete,” anodaro mumwe mukomana wechidiki uyo akaramba nezita rake.
Mumwewo murume akangozviti Rasta anoshandira pamatuckshop ekudivi reTichagarika achiruka vanhu misoro, anoti firo yaMatambo yakavashamisa zvikuru.
“Inyaya izere muno muGlen View 8 nemuBudiriro 1. Murume uyu anonzi haana kurwara pamwe chete nemumwe wake, vanonzi vakafa zuva rimwe chete vachirwadziwa nemudumbu uye vakanovigwa padivi nepadivi. Vanonzi vakanga vaba power bank nembwanana, hamheno chokwadi chazvo. Endai pamba pavo pane pendi yepink apo,” anodaro Rasta.
Mbuya Charity Chaza (71) vanova ambuya vemufi, amai vaamai vake, vanoti pane zvakawanda zviri kutaurwa nekuda kwemafiro akaita muzukuru wavo asi inhema dzoga-dzoga.
“Ini ndinobva kwaNyachowe kwaZvimba iyewo muzukuru wangu Kudakwashe Matambo aibva kuMasvingo. Ndaigara naye pano naamai nababa vake pasina dambudziko, akanga aroora zvake akazosiyana nemudzimai. Svondo rakapera munguva dzemangwanani, ndakamutuma kunotenga chikafu chehuku kuHigh Glen Shopping Centre akazodzoka ndokudya kudya kwemangwanani. Akabva azotanga kuti pamwoyo pake pairwadza achipiswa,” vanodaro Mbuya Chaza.
Vanoti Matambo paakangopedza kudya spaghetti, akabva atanga kurwadziwa nemudumbu ndokupfugama achichema nekudikitira.
“Ndakazomupa sauti yemagodo yandakaisa mumvura achibva anwa akabva atanga kurutsa zvakanyanya. Dumbu rake rakatanga kutamba-tamba sekunge maiva nechinhu mudumbu make, kutoona dumbu richisimuka nekudzikira. Ndakazoshevedza muzukuru wekuRuwa kuti tibatsirane,” vanodaro Mbuya Chaza.
Vanoti vakazorara naye pamba kusvika rechimangwana acho mangwanani apo akashaika vakatarisa.
“Handizivi kuti rufu rwaKudakwashe nderwaMwari here kana kuti rwemunhu, tozvisiira kunaMwari. Izvo zvekuti akaba power bank kana imbwa manyepo, munhu airarama hupenyu hwakanaka. Aisaba kana kunwa doro chaiko aisanwa, handizive anonzi uyo shamwari yake yaakafa nayo pamwe chete. Ose manyepo ayo, vanoda kusvibisa zita remuzukuru wangu, ngavamurege mweya wake uzorore,” vanodaro Mbuya Chaza.
Vanoti ichokwadi Matambo aiita basa rekugeza motokari uye ndivo vakatomutengera mushini (hoover) waaishandisa nevamwe vake mubasa iri.
“Vanoita makuhwa ngavazive pekuaitira, muzukuru wangu aiita basa rake rakachena kwete kuba uye aisanwa doro, ainamata” vanodaro Mbuya Chaza.
Vanoti mutumbi waMatambo wakanovigwa usina kuongororwa nanachiremba.



