Muchandiguta: Maswanhise

Innocent Kurira

MUTAMBI wekumberi wechikwata cheMotherwell, Tawanda Maswanhise, anoti acharamba achitamba zvinodakadza mushure mekudomwa kuti ndiye Scottish League Player of the Month wemuna Ndira.

Anoti kutamba kwakanaka kuri kuitwa nechikwata chake kuri kubva pachirwirangwe, izvo zvinofanira kuvasunda kuti varambe vachitamba zvemhando yepamusorosoro.
Maswanhise anotenda kuti kubatana kwechikwata chavo ndiko kuri kuita kuti zvinhu zvavo zviendeke.
“Ndinotenda vatsigiri veMotherwell nekupihwa chiremerera chePlayer of the Month Award, chekutanga mugore richangovamba. Ndinovimba kuti zvimwe zvezvakawanda zvichauya. Ndinofanirwa kuramba ndichitamba nesimba.

“Mukembi mune morari mukuru uye uri kuwedzera svondo nesvondo. Ndinovimba ndicharamba ndichisimukira,” anodaro Maswanhise.
Motherwell yakahwinha mitambo mina yeligi pamishanu yayakatamba muna Ndira uye pamitambo yayakakunda iyi, haina kana kunwiswa.

Maswanhise abatsira zvakanyanya mukusimukira kuri kuita chikwata ichi.
Akanwisa mumutambo mumwe nemumwe weligi muna Ndira. Mumitambo mishanu, akanwisa katanhatu, izvo zvakaita kuti ave pamusoro pevamwe vose panyaya yekunwisa muPremiership nezvibodzwa 13.

Matambiro aari kuita aita kuti ave mutambi wekumberi ari kuita zvinorova mwaka uno.
Izvi zvaita kuti acherechedzwe kunyangwe nezvikwata zvisiri muScotland.

Paaitambira Zimbabwe kumutambo we2026 Africa Cup of Nations, zvikwata zvakaita seBlackburn Rovers neAnderlecht chekuBelgium zvakafadzwa nematambiro ake uye zvakave nechido nemutambi uyu.
Maswanhise akaberekerwa muZimbabwe, ndokukurira kuEngland. Tarenda rake renhabvu rakasimudzirwa kuboka revechidiki reLeicester City Youth Academy.

Akaenda kuchikwata cheMotherwell pasi pekondirakiti yaive yenguva diki muna Nyamavhuvhu 2024, ndokubva atamba zvinonwisa mvura. Izvi zvakaita kuti kondirakiti yake iwedzerwe mushure mokunge abatsira chikwata ichi kuti chirambe chichisimukira muPremiership.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×