Muchinda pu, tasa arasiswa nebhebhi

Hazel Marimbidza
VAGARI vekuBinga vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yemurume anonzi akangodonha achibva afa mushure mekunzwa kuti shamwarikadzi yake yakange yatizira kuSouth Africa nemumwe murume wayakange yave kudanana naye.

Trydon Mkuli (25) wemubhuku raSiachilaba anonzi akabva pamba pavo svondo rapera munguva dzekumasikati achinoona mudiwa wake, Janice Sithole, asi akashamiswa kunzwa kuti akange atizira kune mumwe murume.

Trydon naSithole vanonzi vange vava nemwedzi miviri vasati vaoonana sezvo Sithole aive kuSouth Africa panguva yose iyi.
Vaviri ava vange vadanana kwemakore akawanda uye vaionekwa nevagari vemunzvimbo yavo vachindenderedzana vakabatana mawoko.

Mukoma waTrydon, James Mkuli, anoti munin’ina wake aive anemufaro mukuru musi uyu apo akabva pamba achitaura nezvekuunganidza kwaange aita mari yekuzorooresa shamwarikadzi yake.

“Mushure mekunzwa kuti Sithole akange ariko, akaronga zvekunomuona. Paakasvika kumba kwavo, akashamisika kunzwa kuti musikana wake ainge aenda kuSouth Africa nemumwe murume waakange ave kudanana naye. Akabva adonha pasi ndokubva afa ipapo,” anodaro James.

Anoenderera mberi achiti, “Semhuri, takarwadziwa zvikuru uye hatina kukwanisa kunzwisisa kuti sei akafa nenzira inorwadza kudai.”

Vamwe vanhu vari kuziva nezvenyaya iyi – avo vakataura neKwayedza – vanoti havasi kunzwisisa nezverufu rwaTrydon. Vanoti vanomurangarira semunhu aive mutano zvikuru.

“Hatina kumbobvira tanzwa nezvezuva raanonzi akamboendeswa kuchipatara kana kuti akamboti pane paimurwadza. Izvi zvinotyisa uye zvinogona chete kudyidzanidzwa nekushungurudzika mupfungwa kwaakaita mushure mezvaakanzwa pamusoro pemudiwa wake,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi uyo akasarudza kuti zita rake risaburitswe.

VaJohn Sikaboto – avo vanova kanzura wenzvimbo yeSiachilaba – vanotsinhira nezvenyaya iyi.
“Ndakaziva nekusuwa kukuru nezverufu rwaTrydon uye zvinoshungurudza zvikuru kuti hatinai kiriniki iri pedyo, nekudaro vakatadza kuenda naye kukiriniki ndokuzongoona kuti ainge atofa,” vanodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×