Amai vakauraira mwana penzura

Wimbainashe Zhakata
MUDZIMAI wekwaMarange akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore masere nemhosva yekuuraya mwanakomana wake aive nemakore 13 okuberekwa apo akamurovera musoro wake kumadziro emba mushure mekunge arasa chinyoreso.

Lydia Kahwema wemubhuku raMungatu akabatwa nemhosva yekuuraya mwana wake, Tafadzwa Kahwema, asi akazobvisirwa makore mana pachirango ichi nemutongi wedare guru reHigh Court, Justice Hlekani Mwayera, paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu anotevera.

“Amai ava vakaita hunhu hwakashata zvichitevera kuti mwana anenge achitarisira kuchengetwa nemubereki asi vakasvika pachidanho chekumurova netambo dzemagetsi ndokuzopwanyira musoro wake kumadziro. Mwana akange adzingwa kuchikoro nepamusaka pechinyoreso asi paakaenda kuna amai vake, vakabva vatoita hukasha hwekumurova kusvika afa zvisinei nekuti ndivo vaifanira kumubatsira,” vanodaro Jutsice Mwayera.

Justice Mwayera vanotsanangudza kurohwa kwemwana uyu sechinhu chakaipisisa kwazvo zvakaita kuti Lydia apihwe chirango chakakura.

“Vanhu vari munharaunda yakafunda vanofanira kudzidza kugarisana murunyararo pamwe nekugadzirisa zvinhu murunyararo. Kuuraira mwana chinyoreso chinhu chisingatambirwi. Mwana uyu akange achishungurudzwa kuchikoro nekumba. Kodzero dzemwana dzakatyorwa zvinoita kuti mudzimai uyu ange achipihwa chirango chekugara mujeri,” vanodaro.

Tafadzwa anonzi akadzingwa kuchikoro nemusi wa26 Kukadzi gore rapera pamusaka pekuti akanga asina chinyoreso izvo zvisina kufadza amai vake.

Lydia akabva atanga kurova mwana uyu netambo dzemagetsi muviri wake wose mushure ndokumurovera musoro wake kumadziro emba zvakaita kuti akuvare.
Tafadzwa akazorasikirwa neupenyu nekuda kwekukuvadzwa kwaakange aitwa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×