Mudzimai abaya murume nebanga ndokutiza

Thupeyo Muleya

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuBeitbridge ari kutsvaga mudzimai anonzi Shorai Dube uyo anonzi akabaya murume wake nebanga kakawanda pahuro nepadumbu ndokumukuvadza zvakaipisisa apo aive akakotsira nemusi weMugovera wadarika.

Chikonzero chakaita kuti mudzimai uyu abaye murume wake nebanga hachisati chazivikanwa.

Beitbridge District Police Commander, Chief Superitendent Melusi Ncube, vanotsinhira nyaya iyi vachiti: “Anonzi akabaya murume wake nebanga kakawanda pahuro nepadumbu. Murume uyu akakuvadzwa zvakaipisisa uye ari muchipatara apo kufeewa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.”

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *