Vanhu 4 vafa dhamu rapazika

Ray Bande naLuthando Mapepa

CHIDZIRO chedhamu repapurazi reBandama (raimbonzi Canterbury Farm) kuChipinge chakapazika izvo zvakaita kuti mvura yakawandisa ibude ndokuyeredza vanhu vana (4), kusanganisira mwanasikana ane makore mana okuberekwa, avo vaive murwizi kuzasi kwedhamu iri.

Vamwe vanhu vatatu vari kushaikwawo zvichitevera chiitiko ichi nemusi weSvondo papurazi rinove remushakabvu gamba renyika uye vaimbova Commander we3 Infantry Brigade kwaMutare, Brigadier General Eliah Bandama.

Zvipfuyo zvakafawo apo midziyo yemadiridziro yakaparadzwa zvekare.

Vachitaura vari papurazi reBandama, gurukota reHurumende rinoona nezvedunhu reManicaland, Advocate Misheck Mugadza, avo vakashanyira nzvimbo iyi nemusi weMuvhuro vachiona kuparadzwa kwakaitwa pamwe nekunyaradza mhuri dzakafirwa, vanoti pane zvikwata zviri kutsvaga vanhu vasiri kuonekwa.

“Ndiri panzvimbo yacho uye ndinotsinhira kuti pane vanhu vana vakafa. Vatatu vachiri kushaikwa. Kutsvagwa kwavo kuri kuenderera mberi uye tinovimba kuti tichakwanisa kuwana vanhu vari kushaikwa ava munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Adv Mugadza.

Sachigaro weCivil Protection Unit (CPU) mudunhu reManicaland, VaJohn Misi, vanoti pakati pevashakabvu pane mwana aive naamai vake vaiwacha nhumbi kuzasi kwerwizi nemurume airura hove.

Vanoti vamwe vanhu vaviri vakayeredzwa nemvura yakawandisa yakabva mudhamu iri apo vaive kuzasi kwerwizi zvekare.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *