Mudzimai anopihwa chikafu nechubhu yepadumbu otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wechidiki, Gamuchirai Mukomachirendo (23), wekuManyame Park kuChitungwiza ari kutsvaga rubatsiro rweUS$350 yekuti anovhiiwa kuchipatara padambudziko raanaro rekukundikana kumedza chikafu nemuromo izvo zvinoita kuti ange achipihwa chikafu nechubhu yepadumbu inova yakatsemuka.

Chubhu iyi ave kugara achiinama ne’sellotape’.

Kuita uku kunoisa hupenyu hwake panjodzi asi nekuda kwekushaya anoti haana kana rimwe zano rekuzvibatsira naro.

Kwayedza yakamboburitsa nezvenhau yemudzimai uyu mugore ra2003 apo aitsvaga rubatsiro rweUS$80 kuti aende kuKaranda Mission Hospital uko kwaari kuda kunorapwa zvekare.

“Zvinhu zvinongorwadza kuti unenge uri kutsvakawo kurarama asi zvichiramba. Ini chandinoshuvira kuva nacho utano hwakanaka bedzi kuti dai ndawana anondibatsira ndinoitwa oparesheni iri kudiwa nemachiremba nekuti ndinosvika rinhiko ndichidya nepadumbu?

Ndine dambudziko rekukundikana kumedza nepahuro iro machiremba anoti rinonzi Dysphahia.

Pese pandinoda kumedza chikafu, ndinobva ndarutsa. Hakuna chikafu kana mvura zvayo inokwanisa kudzika nepahuro. Saka ndakavhurwa buri nechepadumbu pane chubhu ndipo panopinda nechikafu chese,” anodaro Gamuchirai.

Anoti dambudziko ravapo nderekuti chubhu yacho iri kuramba ichidimbuka pamwe nekutsemuka zvekuti yava diki nokudaro ava kutoita zvekuinama ne”sellotape” sezvo mhepo yava kupinda muura hwake.

“Ndakangoona kuti zviri nani kuti ndiiname ne’sellotape’ nekuti yainge yatsemuka.  Yakambenge yakareba mita imwe chete asi yakangosara kachidimbu zvekuti kurarama kwangu inyasha dzaMwari,” anodaro.

Gamuchira anoenderera mberi achiti: “Dambudziko iri rakatanga ndichangobva kuroorwa ndine makore 20 apo ndaive nenhumbu ndichingorutsa kusvika pandakasununguka.  Hazvina kumira zvekuti kana mwana handina kukwanisa kumuyamwisa nekuti ndainge ndangova murwere wepanhowo. Murume akatonditiza nekuda kwedambudziko iri saka ndava kuchengetwa naamai vangu zvese nemwana,” anodaro.

Amai vake, Mai Geogina Mhingo (49) vanoti, vari panguva yakaoma uye vanopona nekuita maricho mudzimba dzevanhu kuti vawane chikafu chinodiwa nemwana wavo.

“Tinoshandisa jekiseni kupinza chikafu nepadumbu rake kana mvura tinodziisa toisa nepadumbu. Mwana wangu atambura asi anobatsira hapana. Dai arapwawo dambudziko iri rapera ararama hupenyu hwakanaka. Handina zororo mupfungwa nepanyama chaipo. Pazuva rega – rega tinotenga majekiseni mana ayo tinoshandisa mukumufidha nawo  saka hazvisi nyore. Chikafu anoda mbatatisi nebota zvakatetepa zvinokwanisa kufamba nemujekiseni,” vanodaro.

Gamuchirai ane mwana mukomana ane gore nechidimbu uyo anoda kuchengetwa zvekare.

Baba vake vanonzi havana chavari kubatsira nacho.

Vangada kumubatsira vanobata amai vake panhama dzinoti: + 263 782 044 071.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×