Baba vavharira mwana (16) mumba kwemakore 3 . . . apedzisira ave kudya tsvina yake

Muchaneta Chimuka

MWANAKOMANA ane makore 16 okuberekwa vekuChitungwiza anonzi akavharirwa mumba kwemakore matatu achinyimwa zvokudya nababa vake vachibatsirana nemudzimai wavo izvo zvakazokonzera kuti apedzisire ave kudya tsvina yake.

Mwana uyu (zita rake tinaro asi tinorichengetedza nekuda kwezera rake) anonzi atanga kuvharirwa mumba umu aine makore 14 ekuberekwa uye chikonzero chekuita izvi hachisati chazivikanwa.

Baba vake vane makore 45 okuberekwa nemudzimai wavo, avo vose vanogara kuSt Mary’s kuChitungwiza, vakatomiswa mudare nemhosva yekushungurudza mwana uyu.

Mutongi Dennis Mangosi veChitungwiza Magistrates’ Court vakati vaviri ava vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti kubvira mugore ra2022 kusvika nomusi wa6 Chivabvu gore rino, baba ava nemudzimai wavo vaivharira mwana uyu mukamuri yemba ine tsvina vachimurambidza kufamba kana kumuwanisa chikafu.

Vanonzi vaimunyima chikafu zvekuti akasvika pachidanho chekudya tsvina yake nemamwe marara aaingonhonga mumba maainge akavharirwa umu zvakonzera kuti awondoroke zvakanyanya.

Dare rakaudzwa kuti vaviri ava vakashaya mwoyo wekubereka apo vakakundikana zvekare kunyangwe kumuendesa kuchipatara mushure mekuona kuti utano hwake hwainge hwaderera zvikuru.

Munguva zhinji, baba ava nemudzimai wavo vanonzi vaisiya mwana uyu ari mumaoko asisi vake ane makore 23 okuberekwa, anova munhu asingakurumudzi kubata zvinhu.

Hutsinye hwavo uhwu hunonzi hwakakanganisa mwana uyu pautano hwake nehwepfungwa sezvo akashungurudzika zvakanyanya apo vaimubata hunhapwa kunge musungwa.

Vaviri ava vari kutongwa pasi pechikamu chemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwevana (ill – treatment or neglecting of children and young persons as defined in Section 7 (1) of the Children’s Act Chapter 06).

Nyaya iyi inodyidzana neimwe yakamboitika munharaunda imwe chete apo mumwe mudzimai wekuZengeza, uyo anopinda chechi yechipositori, akavharira mwanakomana wake, Grant Mashasha, mumba kwemakore 14 azere.

Gure iri rakazofumurwa neveruzhinji zvakaita kuti mudzimai uyu asungwe ndokuzoendeswa kumatare edzimhosva.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *