Mudzimai auraya murume nepoto

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuGlen Norah, muHarare anonzi akatema murume wake nepoto mumusoro mushure mekusanzwanana nenyaya sekusavimbika muwanano izvo zvakaita kuti arasikirwe nehupenyu.

Sandra  Ndoyiwa (31) ndiye ari kupomerwa kuuraya murume wake, Nixon Jemedze (50).

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa nemunin’ina wemushakabvu, Solomon Jemedze (43), anogara kuMadokero Estate muHarare.

Mutauriri wemapurisa mupurovhinzi yeHarare, Inspector Luckmore Chakanza vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti yakaitika nomusi weChishanu chadarika.

“Zvakaitika ndezvekuti nomusi wa7 mwedzi uno mambakwedza (0300hrs), Sandra Ndoyiwa (31) akange ari pamba nemurume wake (Nixon Jemedze) apo vakatanga kunetsana nenhau dzekusavimbika pakati pavo. Sandra akabva atema murume wake nepoto diki yeKango ine ruvara rwutema kugotsi nepahuma kamwechete zvekare zvakaita kuti akuvare zvakanyanya zvekuita maronda akadzika,” vanodaro.

Vanoti pazuva rimwechete iri, nenguva dza10 mangwanani, Nixon akaendeswa kuchipatara paChamas Private Hospital kuGlen Norah uko akanopihwa mubhedha asi akzoshaya muzuva rakatevera nomusi wa8 Kurume.

“Mapurisa akaenda kunoona nzvimbo yakaitikira mashura aya pamwe nechikwata cheCriminal Investigations Department Homicide zvakaita kuti Sandra asungwe,” vanodaro.

Insp Chakanza vanoti poto inonzi yakashandiswa mukuparwa kwemhosva iyi iri mumaoko emapurisa uye ichaburitswa mudare seumbowo.

Mutumbi waNixon wakaendeswa kumochari yechipatara cheSally Mugabe Central Hospital

kunoongororwa nanachiremba.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzemhirizhonga mudzimba nekuti kazhinji dzinoguma nekuurayana seizvi vana vosara vari vega apo amai vanosungwa – baba varasikirwa neupenyu. Zvakakosha kuti kana vanhu vachinge vanetsana mudzimba, vatsvage mazano kumapurisa anoyananisa ari padyo navo, vakuru vedzisvondo kana vamwe vanhu vakuru vemunharaunda pane kutora matanho ekurwisana nekuti ziso guru remutemo harizovasiyi,” vanodaro.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *