Vanhu 3 vasungirwa matani 4 embanje

Langelihle Nyathi

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anotsinhira kuti asunga vanhu vatatu, avo mazita avo asati aziviswa, mushure mekuwanikwa vaine mbanje inorema 3 900 kgs, muHarare.

Vatatu ava vakasungwa nemusi wa3 Kurume, 2025 panzvimbo yemabhizimisi iri pedyo nemugwagwa Citroen kuMsasa, muHarare.

Muchinyorwa, mapurisa anoti vanhu ava vakasungwa zvichitevera kunyeverwa kwavakaitwa neveruzhinji kuti  vaive nembanje yakawandisa.

Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *