Mudzimai wangu unoroya: Mufundisi

Gabriel Singano

VAMWE Mai Mufundisi vakazopotera kudare redzimhosva vachiti vaoneswa chitsvuku nemurume wavo uyo anovati muroyi uye vanoda kupedza vana vavo nekuvadya.Sarah Chigwada akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare naGideon Richardson.

Anoti vave nemakore 26 varoorana uye vakaita vana vose asi iye zvino murume wake mufundisi ave kumupumha huroyi.

Mai Mufundisi vakaudza mutongi wedare iri kuti: “Changamire, murume wangu neni tava nemakore makumi maviri nematanhatu tiri tose uye tine vana vedu vana. Murume wangu ava kunditi ndiri muroyi achitora vana ava achinovachengetesa kuhama dzake achinditi ndingavapedze nekuvadya. Vana vandakabereka?

“Ndinokumbirawo kudzivirirwa kuti murume wangu asarambe achitaura mashoko ekuti ndinoroya vana vangu vandakabara ini.

‘‘Dai ndaida kuvadya ndingadai ndisina kuvapedza vari vadiki here? Ngaasiyane zvakare netsika yokunditorera vana vangu achichengetesa hama dzake. Dai aratidzawo kuti mufundisi, asaita zvinhu zvinoshoresa zita raMwari,” akadaro.

Richardson haana kupokana nechikumbiro chemukadzi wake.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Chigwada ndokuti vaviri ava vanofanira kutaurirana murunyararo semurume nemukadzi.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×