PANGUVA iyo gadziriro dzekutengeswa kwefodya yemwaka wa2017 dzave kuitwa, apo mibhedha yekudyara mbesa dzefodya yakatotangisa kugadzirirwa tiri kusangana nemibvunzo yekuti munhu agaite sei kuti ave murimi wefodya.Izvi zviri kutevera budiriro yakavepo kuvarimi avo vakabura mazakwatira emari inosvika $370 miriyoni kubva pamakgs 127,5 nemutengo wepakati weUS$2,91 pakg mushure memazuva makumi mashanu ekutanga emwaka wekutengeswa kwefodya.
Pahuwandu hwefodya yakatengeswa iyi, makgs 24,4 miriyoni akatengeswa nenzira yeokisheni apowo makgs 103 miriyoni aketengeswa pasi pechirongwa chemakondirakiti.
Zvichitevera ruzivo urwo varimi vakange vari kupakurirwa nevarimisi vekuchikamu cheDepartment of Agricultural Research and Extension Services (AGRITEX) vakabatana nesangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), Tobacco Research Board (TRB) neFarmers Development Trust (FDT), kudzorwa kwemabhero akashata kwakaderera nechikamu che19,83% kubva gore rapera apo marimiro akanaka ezvinhu akange ave kuonekwa kuvarimi.
Huwandu hwefodya hwepakati nepakati munyika pahekita hunosvika makgs 2 000.
Vamwe vachiona budiriro iri mufodya iyi, vanobva vapindwa nepfungwa dzekuti: “Ndine mahekita 25 andinoda kurima fodya ndoenderera mberi sei?”
Murimi wose, sekutsanangurwa kwazvinoitwa neTobacco Industry and Marketing Act (Chapter 18:20), ane fodya yemhando yeflue cured virginia tobacco anofanira kunge akanyoresa zvichienderana nemhando yefodya yaacharima. Munhu wose anozvirimira fodya yekuti ange achitengesa pachake anosungwa achigona kupihwa chirango chekubhadhara faindi kana kuenda kujeri kwemwedzi isingadariki mitanhatu.
Varimi vatsva nevagara vachirima fodya vose vanofanira kunyoresa gore negore.
Kunyoreswa kwevarimi kunoitwa mumwedzi gumi nemiviri kuchipera nomusi wa31 Gumiguru gore rega-rega. Magwaro ekukumbira kunyoreswa kwevarimi anoitwa mushure memusi wekutanga waNdira kusvika nomusi wa31 Gumiguru, zvichienderana nenguva yekunyoresa.
Kunonoka kunyoresa kunoita kuti murimi ange achibhadhariswa mari yepamusoro zvichifambirana nemitemo yeTobacco Industry and Marketing Rules 2000.
Panodiwa zvakare kuti paonekwe kuti murimi iyeye ane munda here zvichizadzikiswa nemagwaro anodhindwa kumadzishe kana nakanzura wemunharaunda uye chitupa chemurimi chechokwadi.
Hazvitenderwi kuti murimi ane makore ari pasi pe18 okuberekwa ange achinyoresa kuti anoda kurima fodya. Mari yekunyoresa US$10 inobhadharwa pazuva rekuendesa mafomu ekunyoresa aya.
Sangano reTIMB rine mahofisi aro ari kuHarare, Karoi, Marondera, Mvurwi, Bindura neRusape ekunyoresa varimi.
Vamwe vanokwanisa kushandisa nhamba dzeTIMB Biller Code mukunyoresa patsva dzinoti 41986.
Kuti munzwe zvizere tibatei pakero inoti:
TIMB, 429 Glen Eagles Road, Southerton, P.O Box 10214, Harare. Munogona kutibata zvakare panhamba dzinoti 0772 145 166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 0271-6772 kana paToll Free nhamba dzinoti 0731 999 999 nepadandemutande rinoti: [email protected]




