Mufushwa wehowa

Muchaneta Chimuka

MuFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti hune mavitamin uye iron zvinobatsira kuti muviri ugare wakagwinya.
Svondo rino Tendai Chandipwisa wekuMasvingo anotsanangura mamwe mabikirwo emufushwa wehohwa.

Zvinodiwa:
Chikari chakachena, mufushwa wehohwa, mafuta, matomatisi, hanyanisi nedovi.

Mabikiro:
Geza howa hwakaomeswa.
Huise muchikari, wodira makomichi matatu emvura.
Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.
Bura wokuna kana kubvisa mvura yose.
Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.
Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu.
Kurungira dovi zvikore wosiya zvichikwata.
Kana zvadai, chinyatsogara pasi nemhuri mozviruma zvenyu rurimi nekunakirwa.
Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×