Mukoma, munin’ina vapondera munhu doro

Sukulwenkosi Dube-Matutu

MUKOMA nemunin’ina vekuGwanda mudunhu reMatabeleland South vakamiswa mudare reko vachipomerwa mhosva yekurova mumwe  murume kusvika afa zvichitevera kupopotedzana kwavakaita mushure mekunge anwirwa doro rake.

Bhekizulu Mathe (28) naMethembe Mathe (32) vekuNhwali havana kuwaniswa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva pavakamiswa pamberi pemutongi wedare reGwanda Magistrates Court, VaProgress Murandu, vachipomerwa mhosva yekuponda.

Vanotarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi iri kutevera uye kana vachida bhero vakanzi vanokumbira kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi, VaNgonidzashe Shumba, vanoti vaviri ava vakarwisa Peter Ncube musi wa10 Nyamavhuvhu gore rino.

Kunetsana uku kwakavapo  mushure mekunge mumwe wavo anwa hwahwa hwaNcube zvisina mvumo.

Vaviri ava vanonzi vakarwisa Ncube nezvidhinha nematombo vakamusiya akuvara zvakanyanya. Ncube akamhanyiswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals uko akashaya zuva rakatevera.

“Nomusi wa10 Nyamavhuvhu nenguva dza8pm, vanhu vari kupomerwa mhosva vakasvika paMabala Business Centre vakawana mushakabvu achinwa doro nevamwe varume vachibva vagara pamwechete navo.

“Ncube akasimuka achienda kuchimbuzi kuti anozvibatsira ndokusiya doro rake patafura,” vanodaro VaShumba.

“Paakanga asipo, Bhekizulu akanwa hwahwa hwaNcube uye paakadzoka mushakabvu uyu akaona varume vaainwa hwahwa navo ndokumuzivisa kuti Bhekizulu ndiye aive ainwa doro rake.

“Akanetsana naBhekizulu uyo ​​akabvuma kuti ndiye anwa doro rake uye haana kuratidza kuzvirereka,” vanodaro.

VaShumba vanoti izvi zvakakonzera kupopotedzana pakati paBhekizulu naNcube izvo zvakazoita kuti varwisane. Methembe naBhekizulu vakakutsirana Ncube apo vamwe vanhu vaivepo vakazovarandutsira.

Vanoti kwava kuma10pm, Ncube akabva panzvimbo yemabhizimusi iyi akananga kumba kwake apo vaviri ava vakamutevera.

“Mushakabvu uyu paakafamba mamita mashoma kubva panzvimbo yemabhizimisi iyi, vaviri ava vakamutevera ndokumurwisa zvekare. Vakamurova zvibhakera nezvidhinha.

“Ncube akashevedzera kuti abatsirwe, vamwe vanhu vakamhanyira kumubatsira, apo vari kupomerwa mhosva ava vakabva vatiza vakamusiya arere pasi,” vanodaro.

VaShumba vanoti Ncube akamhanyiswa kuchipatara cheGwanda Provincial Hospital uko akasvikodarikidzwa kuUnited Bulawayo Hospitals.

Utano hwake hwakaramba huchidzikira izvo zvakakonzera kuti azofa muzuva rakatevera.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti vaviri ava vasungwe.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×