Mukorokoza awanikwa aine madeheny’a evanhu, mapfupa . . . zvakaputirwa nemachira eretso

Fungai Lupande

MURUME ane makore 28 okuberekwa wekuBindura anova mukurokoza akamiswa mudare nemhosva yekuwanikwa aine madeheny’a maviri evanhu, mapfupa pamwe chete nevhudzi zvaive zvakasanganiswa neivhu zvakaputirwa nemachira eretso.

Alfred Chinjiva ari kupomerwa kufukunura guva remudzimai akangozivikanwa nekunzi Erita kuBindura ndokutora deheny’a nemamwe mapfupa

Akamiswa mudare reBindura Magistrates Court achitarisana nemhosva yekukanganisa guva.

Chinjiva akasungwa nemusi we2 Kukadzi mushure mekubatwa aine pfuti yemanyepo panzvimbo yeKitsiyatota.

Zvichitevera kusungwa kwake, mapurisa akabva aenda naye kumba kwavo kuChipindura Park, apo vakazowana madeheny’a maviri nemapfupa emunhu.

Mapurisa akawana madeheny’a maviri aya akaputirwa nemachira eretso, mapfupa aive mumabhaketi uye mamwe mabheketi aive nevhu rakasanganiswa nemapfupa nevhudzi.

Mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi kuitira kuti chokwadi chaicho chezvakaitika chigobuda.

Chinjiva anotarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi inotevera.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *