Munin’ina atsemura mukoma musoro nepoto pahondo yemutero wemba

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuZengeza 2 kuChitungwiza anonzi akatema-tema mukoma wake nepoto muviri wese zvakaita kuti akuvare zvakanyanya mumusoro pabotso rekubhadhara chikwereti chemutero wemba kukanzuru.

Farai Mabwe (39) ndiye ari kupomerwa kukuvadza mukoma wake, Tendai Mabwe (42), uyo anogara naye pamba pamwechete.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, VaDennis Mangosi, vari kutarisirwa kutemera Farai chirango munguva pfupi iri kutevera.

Muchuchisi Malvern Mwendera vakaudza dare kuti nomusi wa14 Gunyana gore rino munguva dzemanheru, vaviri ava vainge vari pamba pavo apo Farai anonzi akatema-tema mukoma wake nepoto kakawanda pamuviri wake mugakava rekubhadhara chikwereti chemutero wemba kukanzuru.

Zvinonzi Farai akaridzira nhare mukoma wake achimuudza kuti imba yainge yava nechikwereti chakakura kukanzuru.

Tendai anonzi akamupindura achiti aive neUS$100 bedzi uye akamutaurira kuti iye aitofanira kututsirawo mari yacho.

Farai anonzi haana kufadzwa nazvo uye pakazouya mukoma wake akabva atanga kurwisana naye achimutema-tema nepoto.

Tendai akatsemuka mumusoro, maoko pamwe nekuita maronda kumeso kuburikidza nekurohwa uku.

“Munin’ina wangu akandifonera nomusi wa7 mwedzi uno achinditaurira nezvechikwereti chemba chekukanzuru. Saka ndakamutaurira kuti tinozotaura ndadzoka kumba. Ndakazobudirira kudzoka nomusi wa14 mwedzi uno ndipo paakandiudza kuti imba yakanga yava nechikwereti cheUS$600. Ini ndakamuudza kuti ndainge ndine US$100 bedzi saka iye aifanira kuwedzera imwe mari asi izvi hazvina kumufadza achibva atanga kunditema nepoto kakawanda pese paaingodira pamuviri wangu,” anodaro Tendai.

Anoti imba iyi ndeyevabereki vavo uye mushure mekurohwa nemunin’ina wake, haana kugumira ipapo sezvo akaenderera mberi nekupwanya mimwe midziyo yainge iri mumba.

Farai ari kutongwa nemhosva yekuita mhirizhonga pasi pemutemo weDomestic Violence Act as Defined in Section 3(1)(1) Section 4(1) Chapter 5:16 (Physcical Abuse).

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *