Muporofita awanikwa aine mazino, rukuvhute neura hwemunhu

Arron Nyamayaro

MUKADZI anozviti muporofita akawanikwa aine nhengo dzemuviri  − dzinosanganisira mazino, ura, rukuvhute neropa − mushure mekunge asungwa nemhosva yekusunungutsa pamuviri mumwe mudzimai uyo akazofa muHarare.

Rumbidzayi Sanyamvura, uyo anonziwo zvekare Madzimai Rumbi, anozivikanwa nekuzviti muporofita kuGlen Norah.

Nemusi weChipiri svondo rapera, mumwe mudzimai akafira pamba pake mushure mekunge aenda kuna Madzimai Rumbi achitsvaga rubatsiro rwezvemweya mukusunungutswa mwana wake.

Mudzimai uyu aive nemakore 36 okuberekwa, uyo akafa panguva yekusunungutswa iyi, akazivikanwa saMuzvare Misoya.

Akafa achangobva kubara pamba paMadzimai Rumbi.

Rufu rwake rwakakonzerwa nekukwira kwakanyanya kweBp, izvo zvakatsinhirwa neongororo yemutumbi wake yakaitwa paSally Mugabe Central Hospital.

Nemusi weMugovera wadarika, mapurisa akanyeverwa nezvechiitiko ichi.

Madzimai Rumbi akazotaridza mapurisa bhaketi raive nenhengo dzinosanganisira mazino, ura, rukuvhute neropa, izvo akati zvaive zvaMuzvare Misoya.

Madzimai Rumbi akabva asungwa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira kusungwa kwaMadzimai Rumbi uye ndokuti kuvigwa kwaMuzvare Misoya kwakambomiswa apo nyaya iyi iri kuenderera mberi nekuferefetwa.

Mushure nekunge kuvigwa kwambomiswa, mutumbi waMuzvare Misoya pamwechete nebhaketi rine nhengo dzemutumbi wemunhu zvakaendeswa kuSally Mugabe Hospital kunoongororwa zvekare pamwe nekuitwa DNA.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *