Lovemore Kadzura
MUMWE murimi ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuHeadlands, VaAleck Revanavo, vari kuita zvinorova panyaya yekupfuya nguruve dzekuuchika izvo zviri kuona hupenyu hwavo huchiendeka.
Nyaya yemurimi uyu huchapupu hwekuti budiriro hainei nezera remunhu asi kuti zvinoda kurongeka nekutsungirira muhupenyu.
Kunyangwe kuvandudzwa nekugadzirwa kwenyama yenguruve kwawedzera kukurumbira pakati pevarimi nekuda kwekunyanya kudiwa kuri kuitwa nyama chena, kupfuiwa kwenguruve dzemhando yepamusoro kwange kusingatarisiswi.
VaRevanavo, vekunzvimbo yeMaturi, vatora mukana uyu, vachizadzikisa kudiwa kuri kuita nguruve dzemhando yepamusoro-soro.
Kubva kare, kupfuya nguruve kwaiitwa nevarimi vakuru, vamwe vachivimba nekutenga kubva kuSouth Africa. Izvi zvakange zvave kuita kuti varimi vakawanda vapedzisire vave kuuchika nguruve dzavo vachishandisa mhando imwe izvo zvaidzikisirawo mhando yacho zvoitawo kuti vawane mari shoma pakudzitengesa pamusika.
Rwendo rwaVaRevanavo rwakatanga makore matanhatu apfuura, apo vakasiya basa rekupfuya huku, iro ravakatanga kuseri kwemba yevabereki vavo kuMacheke, vachipfuya nguruve.
Vakatanga nenguruve nhatu chete asi pari zvino vave kutora basa iri sebhizimisi.
Nhasi uno vave kuvandudza bhizimisi ravo renguruve nekurima chibage chezvipfuyo, kupfuya huku, kurima mbatatisi pamwe nekupfuya imbwa.
Nyaya yebudiriro yaVaRevanavo ikurudziro kuvarimi vechidiki, zvichiratidza kuti nekutsunga uye kushanda nesimba, zvinokwanisika kuva nebhizimusi rekurima rinobudirira.
Vachishanda pamahekita manomwe chete emunda, VaRevanavo vari kuita zvinodadisa nekudaro vanokurudzira vamwe vechidiki kuti vaite zvekurima, zvinova zvinopa mubairo uye zvakakosha, sekurudziro zvekare inogarwa ichiitwa neHurumende.
Vanoendesa nguruve dzinosvika shamu kuvarimi pamwedzi, asi vanobvuma kuti vari kutambura kuzadzikisa kudiwa kuri kuitwa nguruve idzi.
VaRevanavo vari kufambisa bhizimisi iri vachibatsirwa nemudzimai wavo, uye vane vashandi vana (4) vakabairwa zvitupa kwoita vamwe vanouya vachishanda zvekare nguva nenguva.
Purazi ravo rine chibhorani chakadzika mamita makumi mapfumbamwe chinoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva, chinovapa mvura yekuitisa bhindauko rekupfuya nguruve nekudiridzira mbesa pamwe chete nechigayo chekugaya chikafu chezvipfuyo
“Chirongwa chenguruve ichi ndakachitanga ndiine makore 24, ndakatanga nenguruve nhatu chete. Panguva iyi, ndakanga ndisina ruzivo rwekupfuya nguruve. Zvisinei, chido changu nechiono zvakandiendesa mberi. Ndakashanyira varimi vakawanda kuti ndidzidze kubva kwavari izvo zvakandibatsira zvikuru mubudiriro yangu.
“Ndakasarudza kuita basa rekupfuya nguruve dzekuuchika pandakaona kushomeka kwembeu yemhando yepamusoro nekuda kwekunyanya kuuchikwa kwenguve dzemhando imwe chete.
“Kukura kwemunda hakufanire kutadzisa varimi vane chido chekuita mabasa akasiyana-siyana ekurima – munda wangu unongove mahekita manomwe chete. Kunze kwenguruve, ndinorimawo chibage nembatatisi, ndinopfuyawo huku dzema’roadrunner’. Pari zvino, ndiri kuvaka danga idzva renguruve kuti nditange basa rekudziuraya ndichitengesa nyama yacho.
“Musazeze kutanga zvekurima kana mune chido chacho, munokwanisa kutanga kurima nemari shoma muchisimukira kubva ipapo. Ndakatanga nekupfuya ma’broiler’ kumusha kwedu kuMacheke, ndokuzoshandisa mari yandakawana kuita basa rekupfuya nguruve.
“Chakanakira kupfuya nguruve dzekuuchika pane dzenyama ndechekuti nyaya iri pamhando dzacho kwete huremu. Kupfuya dzekuuchika kune pundutso kana zvichienzaniswa nedzenyama,” vanodaro.
Kubva pamavambo apo vaigara muimba ine kamuri imwe chete, VaRevanavo nhasi uno vanotaridza kuti vave shoroma.
Papurazi pavo pane zvivakwa zvemhando yepamusoro, kusanganisira imba yakanaka. Vakavakisawo imba kwaRusape, vakatenga motokari uye vakawirirana nemudzimai wavo kuti asiye basa raimupa mari yakawanda pane imwe kambani inoviga vafi kuitira kuti vashande vose papurazi.
VaRevanavo vanoyambira varimi vachiri kusimukira kuti vasakoshese dzimba dzemhando yepamusoro asi kuti zvivakwa zvepapurazi kana puroti izvo zvinoita kuti basa ravo risimukire.
“Pandakatanga, ndaigara muimba ine kamuri imwe chete isina purasita, ndichirara pasi. Ndaichengetera chikafu chezvipfuwo nemishonga yekudzivirira zvirwere muimba imwe chete iyi. Ndaikoshesa kuvepo kwematanga akanaka enguruve dzangu nechibhorani. Zvese zvandakawana zvakabva kunguruve dzangu. Nguruve nhatu dzokutanga idzi ndakadzichengeta, uye nhasi dzave kundichengetawo,” vanodaro.
Murimi uyu akwanisa kuendesa mazana nemazana enguruve, achiita shanu pamwedzi, kuGokwe, Gwanda neChivhu.
Nhengo (trustee member) yesangano reFederation of Young Farmer, VaPhilip Severa, vanorumbidza budiriro yaitwa nemurimi wechidiki uyu.
“Pane kuwedzera kuri kuita vechidiki munyaya dzekurima nekuda kwezvirongwa zveHurumende nevemakambani akazvimirira. Varimi vechidiki vazhinji vari kubudirira,” vanodaro.
Zvakadaro, VaSevera vanoti zvakakosha kuti varimi vave neruzivo, hunyanzvi uye mari yekutsigira mabasa avo.
“Varimi vechidiki vanofanira kuva neruzivo kusanganisira rwekufambiswa kwemashoko rwechizvino-zvino mukurima, zvikuru mukuita tsvakurudzo nekutengesa,” vanodaro.



