Murume (23) ofondoka pasina mubhadharo ashinha nepwere

Kimberley Chitambara

MURUME ane makore 23 okuberekwa wekuNkayi, uyo akashinha nemusikana ane makore 13 okuzvarwa, akamiswa mudare ndokupihwa chirango chekufondoka kwemaawa 630 pasina muripo.

Khulani Nkomo wemubhuku raMtshatshane akabatwa nemhosva yekuita bonde nemunhu asati abva zera apo akamiswa pamberi pemutongi VaMark Dzira vanove Bulawayo regional magistrate.

Nkomo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24 apo mwedzi mitanhatu yakazosendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu kwemakore mashanu.

Mwedzi 18 yaive yasara yakasendekwa parutivi zvakare nechitsidzo chekuti anofanirwa kufondoka kwemaawa 630 pasina mubhadharo.

Muchuchisi VaJethro Mada vakaudza dare kuti nemusi wa30 Chikunguru gore rapera nenguva dza11pm, Nkomo akavhevhetedza mwana uyu kuti aende naye kumba kwake.

“Nkomo nemumhan’ari vanonzi vaidanana panguva iyi. Zvisinei, dare rakaona kuti mumhan’ari haasati abva zera maringe nemutemo, haakwanise kubvuma kana kuramba bonde,” vanodaro VaMada.

Dare rakaudzwa kuti vaviri ava vakapedza usiku hwose vari vose uye vachipanana bonde.

Nyaya iyi yakazobuda pachena kwapera mazuva matatu apo mumhan’ari akataurira amai vake mushure mekumubvunza kuti akange ari kupi pavasina kumuona.

Amai ava vakabva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti Nkomo asungwe.

Mwana uyu akabva aendeswa kuchipatara cheNkayi District Hospital kunoongororwa nanachiremba uye gwaro reongororo iyi rakaburitswa mudare seumbowo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×