Murume (32) abaiwa nebanga nekuda kwemakukwa

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 32 okuberekwa wekuZvishavane anonzi akabaiwa nebanga ndokukuvara zvakanyanya nemumwe waanoshanda naye achimupomera kufambisa mashoko emakuhwa aisvibisa zita rake munzvimbo yavanoshandira.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa7 Kurume nenguva dza21:40 manheru.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Bongani Ncube (20), Respect Muyambo (32) nevamwe veshandi vepamugodhi weMthulisi Gold Milling Plant mumugwagwa weZvishavane -Mberengwa, mudhorobha reZvishavane, vakatanga kunetsana nekuda kwenyaya yemakuhwa aifambiswa munzvimbo iyi nemumwe wavo.

“Zvinonzi Bongani Ncube akamuka paaiva arere ndokutanga kushevedzera achipomera Muyambo kuti aiva achitenderedza mashoko emanyepo munyaya dzemakuhwa nekuda kwake. Vaviri ava vakabva vatanga kunetsana apo Muyambo akaburitsa banga ndokubaya Bongani Ncube kakawanda kumusana. Bongani Ncube akaridza mhere ndokununurwa nevamwe vashandi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Muyambo achibva asungwa.

“Muyambo akasungwa nemhosva yekuedza kuuraya Bongani Ncube uyo akabvawo atakurwa kuendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital uye hupenyu hwake huri pakaipa. Musungwa uyu ari kutarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera kana kufeewa kwenyaya iyi kwapera,” vanodaro Insp Mahoko.

PIX: Akabaiwa nebanga nekuda kwemakuhwa-14/03/25

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *