Murume (43) afa abaiwa nebanga pamagirosa

Muchaneta Chimuka

VAGARI vekuMkoba, kuGweru, vari kuita muonerapamwe nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya yeumhondi yakaitika paMkoba 6 Shopping Centre, apo murume ane makore 43 okuberekwa akabaiwa nebanga ndokufa, mupari wemhosva iyi achibva atiza.

Assistant Inspector Xolani Dube, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika nomusi wa29 Mbudzi gore rino, apo Daniel Mbuta (43), wekuMkoba, akawanikwa arere muvheranda rechimwe chitoro achitaridza kuti airwadziwa zvakanyanya.

“Akange arere mudziva reropa ari muvheranda repaMkoba 6 Business Centre kuma0300 hours apo mumwe munhu aitozvifambirawo akamuona, achibva adeedza amburenzi asi yakazosara kusvika iye atofa nechekare,” vanodaro Asst Insp Dube.

Vanoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa uye nzvimbo yakaitikira umhondi uhwu yakashanyirwa pachiitwa ongororo.

“Mutumbi wake wakaonekwa une mavanga akawanda ekubaiwa nebanga, uchibva waendeswa kumochari yeGweru Provincial Hospital kunovhenekwa uye ongororo ichiri kuenderera mberi,” vanodaro.

Asst Insp Dube vanoyambira voruzhinji vangave neruzivo maringe nefiro yaMbuta kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo, uye vanoshora zvikuru nyaya dzemhirizhonga sezvo dzisingaunzi budiriro muraramo yevanhu.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×