Murume (48) azvisungirira pamba peshamwarikadzi arambwa

Solomon Bhumu

MUSHURE mekurwadziswa nemudikanwi wake, murume ane makore 48 ekuberekwa wekuNyanga akazvisungirira pamusha peshamwarikadzi mushure mekunge yati haichamuda.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nezverufu rwaZealot Nyagato wekuNyajejezi kwaMambo Saunyama, kuNyanga.

Asst Insp Chinyoka vanoti Nyagato akashanyira shamwarikadzi yake, Alice Museta (47), kumba kwake nomusi wa15 Gumiguru munguva dzemasikati apo vakasvikotadza kunzwanana mukutaudzana.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti Museta ange achifunga kugura rudo rwainge rwuri pakati pavo zvinova zvakasiya Nyagato aine ronda pamwoyo.

Museta anonzi akabva pamba apa achibva aenda kuCharamba Business Centre  apo Nyagato akasara akagara panze padyo neimba yekubikira akamirira kuti Museta azodzoka asi haana kudzoka.

Ave manheru, vana vaMuseta vanonzi vakabika chikafu vachibva vapa Nyagato asi akachiramba.

Vana ava vanonzi vakaenda kunorara vachisiya Nyagato ari panze.

Ave mangwana mangwanani kuma5am, vana ava vakamuka vakabika chikafu chavo kuti vange vachienda kuchikoro asi vakashamisika kuona  Nyagato akarembera mumuti mushure mekuzvisungirira.

Vana ava vanonzi vakabva vazivisa muvakidzani wavo anonzi Edith Kennedy anova akabva azoudza Museta.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuNyanga vanova vakauya vakabvisa mutumbi uyu ndokuuendesa kuNyanga District Hospital.

Ongororo yakaitwa pamutumbi uyu yakataridza kuti Nyagato akafa kuburikidza nekuzvisungirira.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×