Murume adimbura nzeve yemudzimai

Yeukai Karengezeka

MURUME wekuEpworth, Tafadzwa Mutsiki (22), akamiswa mudare reHarare Magistrate’s Courts pamberi pemutongi Marehwanazvo Gofa nemhosva yekuedza kuponda mudzimai wake zvichitevera kudimbura kwaakaita nzeve yake nedemo uye ndokumutema zvekare paruoko mushure mekunge vanetsana.

Sekuti izvi hazvina kukwana, Mutsiki ari kutongerwawo mhosva yekuroora munhu asati abva zera sezvo mudzimai wake ane makore 17 okuberekwa.

Mutongi Gofa vakamuti aendese chikumbiro chake chekuti ange achitongwa achibva kunze kana kuti kupihwa bhero kudare guru reHigh Court zvichitevera hudzamu hwemhosva dzaakatarisana nadzo.

Ari kutarisirwa kudzoka kudare nomusi wa13 Gumiguru.

Muchuchisi Muzvare Mercy Musamvi vakaudza dare kuti nomusi weChitatu svondo rapera, panhamba 16104 Overspil kuEpworth, Mutsiki anonzi akatema mudzimai wake uyo ane makore 17 ekuberekwa nedemo achimupomera mhosva yekusamuremekedza.

Vaviri ava vava nemwedzi mishanu vari muwanano.

Zvinonzi pazuva iri, Mutsiki akaudza mudzimai wake uyu kuti amubikire sadza.

Panguva iyo akanga ari kubika kudaro, Mutsiki anonzi akatora dembo achibva amutema naro kakawanda panzeve yake yekurudyi.

Mumhan’ari akasiiwa ari mudivi reropa uye Mutsiki anonzi akamutuka apo aive arere pasi.

Dare rakaziviswa zvekare kuti Mutsiki akaitisa mumhan’ari uyu pamuviri mugore ra2022.

Mwana waakabara atova negore nemwedzi misere yekuberekwa.

Mutsiki ari kutarisana neimwe mhosva yekuroora pwere sezvo mutemo muZimbabwe unoti munhu anofanirwa kupinda muwanano ave nemakore 18 okuberekwa zvichikwira.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *