Murume apisa imba anetsana naamai pamusoro pehuswa

Vusumuzi Dube

MURUME wemumusha weMbunde kwaMambo Sikhobokhobo kuNkayi, kuMatabeleland North akapisa imba yemhuri yavo mushure mekunge anetsana naamai vake nekuda kwehuswa hwavaitengesa.

Murume uyu, uyo zita rake risati razivikanwa, ane makore anosvika 20 okuberekwa, amai vacho vachinzi vane makore anodarika 65.

Vaviri ava vanonzi vaiita bhindauko rekucheka huswa pamunda wemhuri vachitengesa.

District Development Coordinator weNkayi, Mai Matilda Mlotshwa, vanotsinhira nyaya iyi vachiti imba yakatsva yaive nemidziyo, chikafu pamwe nemagwaro akakosha.

“Vaviri ava vakatanga kucheka masumbu kana kuti zviswa zvehuswa makumi masere ndokugovana masumbu akaenzana, murume uyu akatengesa huswa hwake neUS$80. Akazodzokera ndokucheka humwe huswa mushure mekunge awana munhu aida kuhutenga. Amai vake vakasimbirira vachiti vaifanirwa kugovana zvekare huswa uhu,” vanodaro.

Mai Mlotshwa vanoti murume uyu, uyo anonzi anonwa doro zvakanyanya, akabva audza amai vake kuti akanga ava kuda kupisa imba yavo yekubikira, asi ivo vakazvitora sedambe.

Vanoti murume uyu akaenda kuna tete vake ndokuvaudza kuti aizopisa musha zvichitevera makakatanwa aya.

Tete vacho vakazoridzira nhare amai vemurume uyu vachimuudza zvaaive ataura asi vanonzi vakatora mashoko aya seekutyisidzira.

“Murume uyu akaenda pamusha apa ndokunopisa imba yekubikira, amai vacho vakaona chiutsi chaipfungaira, ndokumhanya ndokunoshevedza vavakidzani. Asi hapana chavakakwanisa kuburitsa, izvo zvave kuita kuti mhuri iyi itsvage rubatsiro,” vanodaro.

Mushure mekupisa dumba iri, murume uyu anonzi akabva anyangarika.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×