Murume afenda mudare, ndokuzofa

Lovemore Kadzura

MUMWE murume akafenda mudare reRusape Magistrates Court, kwaRusape svondo rapera uye ndokuzofa achimirira kupihwa chirango chake apo aive muchitokisi mushure mekunge abvuma mhosva yekutyaira motokari zvisina hanya.

Blessing Kalatala aive akamirira kutemerwa chirango chake nemutongi Babra Mateko.

Apo akamiswa mudare neChishanu svondo rapera, Kalatala akafenda asi akazobepura ndokuendeswa kuRusape Remand Prison, uko akazofa manheru emusi mumwe chete uyu.

Muchuchisi Faith Mutukwa vakaudza dare kuti Kalatala akaita tsaona gore rapera apo akakonesa motokari yake achienda kune rimwe divi remugwagwa ndokubonderana nemotokari yaiuya.

Izvi ndizvo zvakakonzera kuti atarisane nemhosva yekutyaira motokari zvisina hanya.

“Nemusi wa31 Gunyana 2024, nenguva dza1:30pm, Kalatala aityaira motokari yemhando yeToyota Hiace ine nhamba dzinoti ADU 3535, mumugwagwa Harare-Mutare Road achibva kuNyazura uye achienda kwaMutare, asina vanhu vaainge akatakura.

“Paakasvika pachinhambwe che192km peg mumugwagwa uyu, Kalatala akabva akona achipinda kudivi remugwagwa remotokari yaiuya, Nissan AD Van, ine nhamba dzinoti AGN 1313 yaityairwa naLinah Makufa uyo aibva kwaMutare achienda kuHarare akatakura vanhu vatatu. Maitiro aya akaita kuti motokari mbiri idzi dzibonderane.

“Makufa nevamwe vaaive akatakura, vanoti Estela Salina Sadombo naLonah Madlayo, vakakuvara mutsaona iyi uye vakazoendeswa kuchipatara kunovhenekwa nanachiremba.

“Motokari yeari kupomerwa mhosva yakakuvara pagonhi rekumberi kudivi rekuruboshwe apo yaMakufa yakakuvara kumberi kwayo,” vanodaro.

Motokari mbiri idzi dzakazoongororwa neveVehicle Examination Department.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *