Murume apfidza nekutukwa zvinonyadzisira

MURUME wekugarotukwa nezvinonyadzisira pamberi pevanyarikani vake neaimbove mukadzi wake pamwe nekuteverwa kubasa akazosvika pakupotera kudare. Constantine Kadiwa akaendesa Tambudzai Kadiwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Mukadzi uyu andinetsa, anondituka pamberi pevanyarikani pamwe chete nekuuya kwandinosevenzera achindimisa basa rangu nekupopota kwaanenge achiita. Dai zvaibvira dare raindipawo gwaro redziviriro kuti ndigarewo nekushanda zvakanaka.

“Haana shoko rakaipa raanoti haatauri kwandiri. Anondituka zvinonyadzisira nguva zhinji netunyaya tusina basa.

Kubasa ndanzwa nekunzi chimbomirai basa mumbopedzerana nemudzimai wenyu, ndava kutoshaya hunhu pamberi pevandinoshanda navo.

“Mari ndiri kumupa mwedzi wega-wega nekuti akandiendesa kudare remendenenzi ndikatangisa kubhadhara sezvakataurwa nedare. Pamari iyoyo akati pawedzerwe imwe yekuti mwana agare achirapiswa ndikabvumirana nazvo ikawedzerwa.

“Pamusoro pemari yekurapisa mwana, ndakamuti kana mwana aine pamurwadza anogona kuuya naye kuchipatara chekubasa orapwa mahara asi iye anongouya kubasa achiti ari kuda mishonga yekurapisa mwana. Ndobva ndashaya kuti zvinhu zvacho ava kuzvifambisa sei.

“Ndikamubvunza pafoni kuti mwana ari sei anoti hameno sekunge asingagari naye zvekuda kundibhowa,” akadaro.
Tambudzai akaudza dare kuti:

“Ndinotomutevera kubasa nekuti ndiko kwega kwandinokwanisa kumuwanira.

“Iye akazouya kudare kuno nekuti akagumbuka nekuti ndakaenda kubasa kwake asingafungiri. Ndinomutuka nekuti anoramba kutenga mishonga yekurapisa mwana.

“Izvozvi ava kungoita zvemukadzi wake, haachambozivi kuti mwana anoda kuonekwa utano hwake kuti hwakamira sei.

“Mari yacho yaanoti yemendenenzi mumwe mwedzi inombononoka kuuya apa mishonga ichidikanwa.”

Mutongi Gamuchirai Sirwadi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×