Kingstone Mapupu
MURUME anova nhume kana kuti chikonzi chaMambo Nemangwe vekuGokwe akatemwa nedemo ndokufa nemunhu waaida kupa masamanisi emhosva yaida kuzotongwa nasadunhu ari pasi paishe ava.
Nyaya iyi yakaitika nemusi wa24 Chikumi nenguva dza11:30am mumusha waSabhuku Munukwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Moses Moyo uyo anova nhume yaMambo Nemangwe, akatumwa nemasamanisi ekunopa Brighton Maketo kuti azoenda kudare raSadunhu Ndalambi kunotongwa nemhosva yaaipomerwa.
Sadunhu Ndalambi vaive vakamirira Mambo Nemangwe mukutongwa kwenyaya iyi.
“Pakunoda kugashidzwa magwaro emasamanisi aya nemupurisa kana kuti nhume yamambo, pakabva paita kutadza kunzwanana ndokubva vatanga zvimbokoma. Maketo anonzi akazoshandisa chituru nedemo kurova mupurisa uyu uyo akatemwa mumusoro nedemo nepagumbo nekurohwawo nechituru muviri wese. Moyo akakuvara zvikuru ndokufira pamba paBrighton Maketo akabva asungwa nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda iyi,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti musungwa uyu anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera.
Mapurisa anoyambira veruzhinji kuti varemekedze zvikonzi kana kuti nhume dzemadzimambo sezvo ikodzero yavo kushevedza vanhu kumatare izvo zviri mubumbiro remutemo wenyika.
“Matare emadzishe anokosheswa neHurumende inova iyo inovapa masimba ekutonga saka vanhu vanofanirwa kutevedza zvose zvinodiwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mambo Nemangwe vakashora maitiro aya vachiti:
“Inyaya yava kumapurisa, zvinoda kuti pagova nechidzidzo chikuru kuvanhu vose kuti dare remadzimambo harishorwe kusvika pakuzoponda mutumwa, chikonzi kana kuti mupurisa wamambo,” vanodaro Mambo Nemangwe.
Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (57), vanoti nyaya iyi inofanirwa kutorwa semuenzaniso munyika yose kuti zvinhu zvakadai hazvifanirwe kudzokororwa zvakare.
“Mupurisa wamambo ndiye mambo wakare, zvaaiva akatakura zvakabva kuna mambo. Vanhu ngavaziviswe hukoshi huripo, hazvina kusiyana nemapurisa enyika haarwiswe,” vanodaro Mambo Njelele.
Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (56), vachiti zvakakosha kuti veruzhinji varemekedze matare emadzishe.




