Danisa Masuku
MURUME wemubhuku raMagodi kwaMambo Malisa kuSilobela, kudunhu reMidlands ari kutsvagwa nemapurisa mushure mekutiza apo akauraya mudzimai wake nekumurova nenduni muviri wose nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa.
Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika, sekutaura kwemutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko.
“Ndinotsinhira kuti mumwe murume wekuSilobela akanetsana nemudzimai wake ndokumurova kusvika afa asati atiza. Tinokumbira veruzhinji vane ruzivo nekwaari vatibatsire kuti asungwe,” vanodaro Insp Mahoko.
Mumwe mufakazi, Willy Sibanda, anoti pazuva iri nenguva dza6pm, Edward Moyo nemudzimai wake vaive pamba pavo apo pakamuka kunetsana kunotyisa.
Sibanda anoti Moyo akatora nduni ndokurova mudzimai wake zvine simba muviri wose kusvikira afa.
“Paakaona kuti akanga afa, akabva atiza, ndokumusiya ari mudivi reropa,” anodaro Sibanda.
Veruzhinji kunharaunda iyi vachiri kushamiswa nechiitiko chehutsinye ichi apo mapurisa ari kuenderera mberi nekutsvaga Moyo.
Ani nani ane ruzivo nekwaari anokurudzirwa kuti ataurire mapurisa ari pedyo nekukasika.




