Murume aponda vanhu 2, ndukukuvadza vamwe vaviri pamunamato

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 19 okuberekwa wemumusha waSabhuku Mashavele kudunhu raMambo Gezani kuChikombedzi, kuMasvingo akamiswa mudare nemhosva yekuponda vanhu vaviri uye ndokukuvadza vamwe vaviri zvekare nekuvabaya nebanga apo vaive pamunamato wenyaradzo munguva dzemanheru pane mumwe musha.

Izvi zvakaitika nemusi wa3 Nyamavhuvhu apo Liberty Sibanda anonzi akapara mhosva idzi.

Mutauriri wemapurisa echikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti pamusha uyu paiva nevanhu veukama nevamwewo vaiita munamato weusiku wenyaradzo.

Vanoti panguva iyi, apo vanhu ava vaidziya moto panze, Sibanda anonzi akabuda mumba make achimhanya ndokunobaya vanhu vaviri nebanga pamutsipa nekuda kwemhosva isina kuzivikanwa.

“Vamwe varume vaviri vaivapo vakaita chivindi ndokupindira kuti vabatsire vaiva vabaiwa ava kuti vasarambe vachirohwa, ivowo zvakare vachibva vabaiwa nebanga rimwe chete kumusana vose ndokukuvara zvikuru. Vakazotakurwa kuendeswa kuchipatara uko vaviri vakanorapwa vachibva vaburitswa kudzoserwa kumba asi vamwe vaviri vakazoshaika,” vanodaro Det Insp Muteweri.

“Zvakadai, murume uyu Liberty Sibanda akazosungwa nenyaya dzaari kupomerwa dzinosanganisira dzekuponda mbiri uyewo nembiri zvakare dzekuedza kuponda. Akatomiswa pamberi pedare redzimhosva reChikombedzi Magistrate Court kekutanga nemusi wa7 Nyamavhuvhu ndokuchengetedzwa mukati apo nyaya yake yakadarikidzwa mberi, ichadzoka zvakare mudare nemusi wa21 Nyamavhuvhu,” vanodaro Det Insp Rachel Muteweri.

Vanoti semapurisa, vanokurudzira veruzhinji kugadzirisa nyaya dzavo nekutaurirana pasina kurwisana izvo zvinogona kukonzera kufa nekukuvara kwevamwe vanhu uyewo nekuparadzwa kwemidziyo yakasiyana.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *