Sabhuku aitwa kafiramberi ashinha nemudzimai wemunin’ina

Tendai Gukutikwa

SABHUKU wekwaChigodora kwaMambo Zimunya, kwaMutare – Frederick Matika (41) –  akazvambaradzwa nebhemba (machete) zvekuitwa kafiramberi nemunin’ina wake mushure mekunge abatikidza mashoko erudo aaitumirana nemudzimai wake anonzi Nyasha Guti (19) ayo aive munhare yemukadzi uyu.

Nyaya iyi yakaitika mubhuku raMatika apo Frederick akakuvara zvakanyanya akaita maronda akadzika mumusoro, maoko nemakumbo.

Vemhuri yake vanoti mashoko ainge atumirwa naFrederick aitsanangurira Guti kuti ange achigeza zvakasimba segadziriro yekuti vazonoshinha vose.

Izvi zvakagumbura murume waGuti, Tendai Matika (38), anova akabva anonetsana nemukoma wake nekuda kwenyaya iyi.

Frederick akazvindikitwa akasara aine chigunwe chakaremera icho chakanosonwa pachipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kwaMutare.

Kuita uku kwava kuisa basa raFrederick rehusabhuku parumananzombe semunhu anotungamiririra vanhu, sekutaura kwavatete vake – Anna Matika – uyo akatonomhan’ara nyaya iyi kwaMambo Zimunya.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tendai akaenda kune mukoma wake Frederick achimupomera mhosva yekushinha nemudzimai wake, Nyasha Guti, achibva atora mutemo ndokuisa mumaoko ake apo akatanga kumutema-tema nebhemba (machete) iro ainge akaisa mubhegi rake  panguva iyo aimutsvaga. Akamukuvadza zvakanyanya paruoko nemumusoro. Frederick akazoendeswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital mushure mekupukunyuka uko akarapwa,” vanodaro.

Pakashanyira vatori venhau mhuri iyi kwaZimunya, Frederick akawanikwa asipo asi mudzimai wake, Marjory Tsoka, akatsinhirawo nyaya iyi achiti akashamiswa kunzwa murume wake achizhamba achitsvaga rubatsiro apo airohwa nemunin’ina wake.

“Ndakamhanyira kuenda panze ndikaona Tendai achimutema-tema ne’machete’. Rakanga rakazara ropa. Murume wangu muviri wake wose wakange wazarawo ropa, Tendai aishevedzera nezwi riri pamusoro kuti aida kumuuraya. Akange atomutema zvakadzika mumusoro, zvigunwe nepachidya. Murume wangu ane mhanza kuti akwanisa kurarama,” anodaro Tsoka achitaridza kubatikana kwakanyanya.

Primrose Matika anove hanzvadzi yaFrederick naTendai ari kupomera Guti mhosva achiti anozivikanwa nenyaya yekuda kukwezva vanhurume munharaunda yavo.

“Pakaakarorwa nehanzvadzi yangu, akange atove nemwana ane mwedzi miviri yekuberekwa wemumwe murume. Aingoita zvehunzenza achidanana nevarume vakawanda. Hanzvadzi yangu yakanditaridza meseji yacho yaive munharembozha uye yainyadzisa. Asi takange tamuregerera uye ndakafunga kuti nyaya iyi yakange yapera,” anodaro.

Zvisinei nekurwisana kwavakaita, Frederick naTendai vanonzi vakaregererana kunyangwe zvazvo Tendai ari mujeri akamirira kupihwa mutongo wake nedare reMutare Magistrates’ Court.

Nyaya iyi ichapinda mudare nemusi wa28 Kurume sezvo rakamirira gwaro rekurapwa kwakaitwa Frederick mushure mekurohwa nemunin’i wake.

Frederick haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo nharembozha yake yaingorira isingadairwe.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *