Murume awanikwa aine muswe webere, dehwe reshato

Arron Nyamayaro

MURUME wekuLupane akawanikwa aine dehwe reshato, muswe webere nemakwande ehaka pamwe nezvidimbu zvenyanga dzenzou muimba yake yekurara.

Nkosilamandla Ncube (40) wemubhuku raFatima, akasungwa ndokuendeswa kudare uko akatongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nemwedzi mitanhatu.

Mumashoko avo, mutauriri wemapurisa echikamu chematikitivha cheCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti: “Mapurisa eZimbabwe Republic Police anotambira nemufaro mutongo wakapihwa Nkosilamandla Ncube, uyo akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine zvinhu zvemhuka dzinochengetedzwa pasi pemutemo weParks and Wildlife Act.

“Musi wa28 Nyamavhuvhu, 2025, matikitivha eMinerals Flora and Fauna akatambira mashoko ekuti paive nemurume ane zvinhu zvemhuka dzinochengetedzwa.

“Vakaenda kumba kwemusungwa ndokumuwana aripo.

“Musungwa akatungamirira matikitivha kuenda muimba yake yekurara uko kwakawanikwa dehwe reshato, muswe webere, makwande ehaka  nezvidimbu zviviri zvenyanga dzenzou.

“Musi wa16 Gunyana, 2025, musungwa akamiswa mudare reHwange Magistrates Court pamberi pemutongi VaBrighton Matope uye muchuchisi ari Muzvare Makanza. Akatemerwa chirango chekugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nemwedzi mitanhatu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *