‘Murume wangu akasotwa’

Gamuchirai Muzanenhamu
VAHOSI vekuda kushandisa dare kuti nyachide abve pamurume wavo vakashaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chavo.

Felistas Simau akadhonzera Nomatter Ngwerume kuHarare Civil Court.

“Ishamwarikadzi yemurume wangu uye tinogara munharaunda imwe chete. Dambudziko riri pakuti ari kufamba achiudza vanhu kuti akagadzira murume wangu kuti ashaye rudo neni, saka akandiona ndiine murume wangu haarwadziwe nekuti ari kuziva zvaakamuita,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Ngwerume anoshevedzera pakazara vanhu kuti ari kudya mari yake nemurume wake.

“Anoti kana ndava kuenda kubasa anoshevedzera pakazara vanhu kuti, ‘Shandai tidye mari’. Izvi zviri kundirwadza kuti mari yangu iri kuperera kumunhu wandisineyi naye,” anodaro Simau.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaSimau achiti haana kuburitsa pachena umboo huzere hunoratidza kushungurudzwa kwaanoti ari kuitwa naNgwerume.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *