Musahwande mvura pasi pemiti

MVURA inotarisirwa kunaya yakawanda kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Manicaland, Masvingo, Midlands, Harare Metropolitan neMashonaland.

Kumatunhu anoti Matabeleland North, Bulawayo Metropolitan neMatabeleland South, kunotarisirwa kunge kuine zuva uye kunogona kunaya pano neapo.

Njodzi dzinogona kusanganikwa nadzo:

Mvura inonaya yakawanda inogona kukonzera mafashamu ekuzara kwenzizi nedzimwe nzvimbo dzisingafambe mvura zvakanaka.

Mvura ine dutu zvakare inokonzera kutakurwa kwematenga edzimba, kuwisirwa pasi kwemiti nemapango etambo dzemagetsi.

Humhutu idambudziko zvakare munguva yekunaya kwemvura, zvikuru munzvimbo dzinenge dzakajenga mvura.

Zvekuita:
Kana zvichikwanisika, garai mumba kana mudzimwe nzvimbo dzakavharika uye musahwande pasi pemiti kana mvura ichinaya.

Musayambuke nzizi dzinenge dzakazara. Torai matanho ekuuraya humhutu akadai sekufiritira nemishonga munzvimbo dzahunogara kana kushandisa mamosquito nets panguva yekurara. — Meteorological Services Department

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *