Musanyeperwe: Ndanga

MUKURU wesangano remachechi echipositori munyika, reApostolic Christian Council of Zimbabwe, Archbishop Johannes Ndanga, vanoti hakuna mumwe munhu anofanirwa kuzviti Jesu kunze kwemwanakomana waMwari.

“Nyaya hombe yatiinayo tinoti vanhu vasanyeperwe nekuti Bhaibheri rinotaura kuti kuchava nevanhu vanozviti vanaKirisitu vamwewo vachizviti maporofita vachiita mashura nezviratidzo. Veruzhinji ngavangwarire,” vakadaro.

“Jesu wedu kana achidzoka haaonekwe kunzvimbo imwe chete sezvinoita mukadzi anozviti Jesu wekuGuruve nemurume uyo anozviti Jesu kuCentenary. Kana achiuya anoonekwa nevanhu vose panguva imwe chete. Vakafa vose vachimuka kubva kumakuva, otanga kutonga vapenyu nevakafa nekuti izvi zvinotaurwa kuna Mateu 24 vs 24-27.”

Vakayambira vanhu kuti ano mazuva ekupedzisira saka vanamati nevamwe veruzhinji havafanirwe kutambira vanhu vose-vose nezvavanotaura sezvo vachizonyeperwa votadza kuziva chokwadi nenhema.

“Kana muBhaibheri zvirimo, kuti kuchava nevanoti makomo afambe achifamba nemamwe mashura akawanda. Izvo takayambirwa kare neshoko dzvene kuti tivangwarire ivo vanouya vakapfeka matehwe ehwai idzo dziri mhumhi,” vakadaro Archbishop Ndanga.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×