MUSAVHUNDUKE: MUBAIWA . . . ‘DeMbare tinotora mukombe’ . . . ‘Ikatadza Mutasa tomudzinga’

MUTUNGAMIRIRI weDynamos, Kenias “Kenny” Mubaiwa, anoti chikwata ichi chiri kurwira kutora zvakare mukombe wePremier Soccer League uyo chakabvutirwa gore rapera uye murairidzi wacho, Lloyd Mutasa nevatevedzeri vake, vanogona kusiya basa kana vakatadza kuhwinisa DeMbare.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mubaiwa anokurudzira vatsigiri vechikwata ichi kuti vasawore moyo zvichitevera kusatamba zvakanaka kwachiri kuita kubvira kutanga kwemwaka uno.

Mubaiwa anoti matambiro avari kuita gore rino zvakangofanana nemakore ose apo chikwata ichi chagara chinotatarika mumitambo yekutanga chozongomuka chibhebhenenga nekufamba kwenguva.

Makore ayo DeMbare payakapedzisira kuhwina mukombe wePSL – 2013 na2014 – mwaka iyi yaisatanga zvinogutsa asi yozongomuka kamwe chete yotanga kuhwina mitambo yayo kusvika yatora mukombe.

Mwaka uno, mumitambo misere yatambwa neDeMbare, yakagara pechi12 muPSL, iine zvibodzwa zvisere uye yakakundwa nezvikwata zvinoti CAPS United, Highlanders, FC Platinum neChicken Inn.

Mugore ra2013, mumitambo yeDeMbare misere yekutanga, yaive nezvibodzwa zvipfumbamwe asi yakazorwa semvumba ikahwinha mukombe apo yairairidzwa naCallisto Pasuwa.

Mubaiwa anoti nhoroondo yechikwata ichi yemakore adarika inoratidza yoga kuti hapana chekuvhunduka.

“Ndiwo matangiro edu makore ose, tinotanga tiri kumashure tozotanga kukwapaidza kusvika tave shasha.

“Tinozviziva kuti kukundwa hakufadze asi isu kana tadziya tinenge tadziya uye tiri kudziya manje-manje, tobva tasimuka. Mwaka wakareba uyu, bhora richiripo saka vanhu ngavasafunge kuti zvimwe tapera, kwete tiri kuuya,” anodaro Mubaiwa.

Anoyambira varairidzi vechikwata ichi – Mutasa nevabatsiri vake vanoti Gift Muzadzi naMurape Murape – kuti vashande nesimba achiti vakakundikana chete vachavabhutsura vachivadzinga basa.

“Hatisisina nguva yekutambisa, Lodza (Mutasa) nechikwata chake vakatadza kuhwinisa chikwata basa rinopera, isu tiri kuda murairidzi anohwinisa chikwata chete kwete zvekutamba.

“Vega vanozviziva kuti nguva yekutamba hapana, bhora mberi,” anodaro Mubaiwa.

Svondo rino mitambo yePSL yakambomiswa nekuda kwemitambo yemaWarriors yekurwira tikiti rekuenda kumakwikwi eAFCON apo Zimbabwe ichatatsurana neMalawi kunhandare kuRufaro. Mubaiwa anotambira kumbomiswa kwemitambo iyi nemawoko maviri achiti kuchavapa nguva yakakwana yekugadzirira mitambo inotevera.

“Kumiswa kwemitambo yePSL svondo rino aiwa, kuchambotipa nguva yekufema nekugadzirira zvakasimba mutambo wedu unotevera uye vatambi vedu vakakuvara vanodzokawo muchikwata,” anodaro Mubaiwa.

DeMbare mutambo wayo wesvondo rinotevera, apo pachasimudzira mitambo yePSL, ichasangana neChapungu United.

 

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×