Zvikoro zvoratidzira

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kuCelebration Centre, muHarare, neMugovera svondo rino uko zvikoro zvakazvimirira zvepamusoro zvichange zvichizvishambadza nedonzvo rekukwezva vadzidzi.

Izvi zvinoitwa gore roga-roga uye zvinopa mukana kuzvikoro zvepamusoro izvi kuti zvipe ruzivo kuvabereki nevana pamusoro pezvo.

Chirongwa chegore rino chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuunza zvikoro zvepamusoro zvakazvimirira zvemuZimbabwe nevabereki pamwe chete” (Bringing Zimbabwe’s top independent schools and parents together).

Ari kuona nezvekurongwa kwegungano iri, Benadette Tuso, anoti zviratidzirwa izvi zvinopa mukana mukuru kuzvikoro pamwe nemakambani akasiyana

wekuzvishambadza.

“Chiitiko ichi chinoita kuti zvikoro nemakambani zviwane mukana wekuti nyika yose ive neruzivo pamusoro pavo. Chinoita zvakare kuti vabereki vakwanise kunyoresa nzvimbo dzevana vavo dzechikoro dzegore ra2017 pamwe nekupa mukana wekudyidzana nezvikoro nemakambani akasiyana.

“Tinokurudzira vabereki kuti vashandise mukana uyu kuitira kuti vasarudze zvikoro zvakanakira vana vavo. Gungano iri richapindwa pachena uye panenge paine vemakamabni vakawanda vakazvipira kubatsira panyaya yefizi nerumwe ruzivo,” anodaro.

Anoti vabereki vane mukana zvakare wekusarudza kuti vana vavo vanoda kudzidza mukirasi ine vadzidzi vakawanda here kana kwete.

“Pachiitiko ichi vabereki vanowana zvakare mukana wekuvaka hukama nevarairidzi nevakuru vezvikoro avo vavachabatsirana navo kuti mwana ave anobudirira muzvidzidzo zvake,” anodaro Tuso.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×