Mutumbi wemwanasikana (3) wawanikwa murwizi

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemwanasikana ane makore angangosvika matatu okuberekwa wakaonekwa wakayangarara pamusoro pemvurwa murwizi rwunonzi Vasisi kwaSabhuku Muza kwaGutu, kuMasvingo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mutumbi uyu wakaonekwa nemusi wa6 Kurume.

“Mutumbi uyu waiva wawora zvakadarikidza usina kupfeka uyo wakazotorwa ukaendeswa kumochari yechipatara cheMasvingo Provincial Hospital uko wakamirira kuongororwa nanachiremba,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti mapurisa ari kushanda neruzhinji kuti akwanise kuziva kuti mutumbi uyu ndewani pamwe nevabereki kana hama dzemushakabvu uyu.

“Tinokumbira kuruzhinji kune vabereki kana vamwe vanhu vari kushaya mwana musikana kuti vauye kumapurisa ekuMasvingo kuzotarisa mutumbi uyu. Kana pane vanoziva zvekare zvakaitika kuti mwana uyu azofa, vanokwanisa kuzivisa mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare kuna Gutu CID Officer In-Charge Detective Inspector Hondo panhamba

dzinoti 0773 037 388,” vanodaro Insp Dhewa.

Nhare dzemapurisa anodyidzana neruzhinji kuMasvingo dzinotiwo 263392264421 kana dzeWhatsApp dzinoti 0775 996 945.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *