Tandayi Motsi
MUSHONGA wekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) uri kutarisirwa kutanga kusvika muZimbabwe svondo rinouya musi wa15 Kukadzi uye Hurumende ine hurongwa hwekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira denda iri.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri muguta reHarare mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti vashandi vari pamberi panyaya dzekurwisa kupararira kwechirwere ichi pamwe chete nevakwegura ndivo vachatanga kubaiwa majekiseni aya.
Hurumende yakatoisa padivi US$100 miriyoni yekutenga mushonga wekudzivirira chirwere ichi uye pane hurongwa hwekutenga mushonga weSputnik V (Victory) kunyika yeRussia, pakati pemimwe.
“Hurumende yeChina yakapa rubatsiro rwe200 000 SINOPHARM Covid-19 vaccine doses. Rubatsiro urwu rwunotarisirwa kutanga kusvika munyika nemusi wa15 Kukadzi. Mushonga uyu wakapasiswa neWorld Health Oraganisation,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Mushonga wekudzivirira Covid-19 uchange uchibaiwa pachena. Mushonga wekutanga uchabaiwa vashandi vari pamberi panyaya dzekurwisa Covid-19, vakwegura nevamwe vari panjodzi yekubatira denda iri muZimbabwe. Kubaiwa kwemajekiseni aya kuchaitwa kune vanoda.”
Sen Mutsvangwa vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana rine hurongwa hwekubaya majekiseni vanhu 10 miriyoni munyika muno.
“Panyaya yechirongwa chekubaiwa kwemajekiseni ekudzivirira Covid-19, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rine hurongwa hwekubaya chikamu che60 percent (10 miriyoni) chevanhu vari muZimbabwe nechinangwa chekuti pave nedziviriro kubva kudenda iri,” vanodaro.
Vanoti nyika ino pari zvino iri mushishi yekurwisa kunyuka kechipiri kweCovid-19 uye nemhando itsva yechirwere ichi zvakare.
“Kunyangwe zvazvo paine kuderera kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa, zvakakosha kuti nyika iwane mushonga wekudzivirira denda iri nekukasika nechinangwa chekumisa kunyuka kechitatu (third wave),” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 34 781 vemuZimbabwe vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.
Pavarwere ava, 29 289 vakatopona asi vamwe 1 353 vakafa.
Sen Mutsvangwa vanoti chikamu che32,8 percent chevanhu vari kufira munharaunda dzakasiyana nedenda iri apo 67,2 percent vachifira muzvipatara nedzimwe nzvimbo dzinorapirwa varwere.
“Zvichitevera huwandu hwevanhu vari kufira munharaunda, Hurumende ine chirongwa chekuvandudza matanho anofanirwa kutevedzerwa pakuzivisa veruzhinji pamusoro pekuti vanobata sei varwere vanenge vachimbofanirwa kugara voga kumba uye kuti vanozoendeswa kunorapwa vasvika padanho ripi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kugara kudzimba, kusaita chitsokotsoko nekupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana vanhu.




