Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe pamwe chete nevari kufa nedenda iri huri kudzikira zvichitevera matanho ekurwisa chirwere ichi ayo akatorwa neHurumende pasi pechirongwa cheLevel 4 National Lockdown.
Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 34 487 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa munyika muno.
Pavarwere ava, 28 383 vakatopona asi vamwe 1 316 vakafa.
Ongororo yakaitwa neKwayedza kubva mumagwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe chete nevari kufa pari zvino hwaderera kana zvichienzaniswa nenguva yadarika apo chirongwa cheLevel 4 National Lockdown chepiri chakange chisati chavepo.
Chirongwa ichi chisati chatanga, vanhu vaibatwa neCovid-19 pazuva rimwe chete vaigona kudarika 1 000 uye vaifa vachisvika kana ku80 pazuva rimwe chete.
Izvi zvasiyana nemamiriro ezvinhu pari zvino kana pachitariswa huwandu hwevanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi uye nevakafa kwemazuva mashanu kubva musi weChipiri chadarika kusvika Mugovera (2 Kukadzi kusvika 6 Kukadzi).
Vanhu 266 vakabatwa vaine Covid-19 nemusi weMugovera apo vamwe 13 vakafa kuchiti 150 vakawanikwa vaine denda iri nemusi weChishanu, 15 ndokufa.
Nemusi weChina, vanhu 207 vakabatwa vaine chirwere ichi apo 19 vakafa uye neChitatu 160 vakawanikwa vaine denda iri, 15 ndokufa.
Kuchizoti nemusi nemusi weChipiri, vanhu 156 vakabatwa neCovid apo vamwe 13 vakafa.
Ongororo yemazuva mashanu iyi inoratidza kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi mukati memazuva aya hunosvika 75 uho hunove hushoma kana zvichienzaniswa nevakafa pazuva rimwe chete nguva yadarika vanove 80.
Nerimwe divi, vanhu 939 vabatwa vaine denda iri mukati memazuva aya zvakare kana zvichienzaniswa nevanodarika 1 000 avo vaiwanikwa vaine chirwere ichi chirongwa cheLevel 4 National Lockdown chisati chavepo.
Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyanya mukuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.
Svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Senator Monica Mutsvangwa vakakurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende ane chinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19.
Sen Mutsvangwa vanoti mitemo iripo yekudzivirira kupararira kwedenda iri ine chinangwa chekuchengetedza utano neupenyu hwevanhu.
“Vanhu vemuZimbabwe, ngatishandisei mwedzi mutsva uyu (Kukadzi) kusimbaradza nyaya yekurwisa Covid-19. Kana tichitarisa kune zvakaitika mwedzi wadarika, zvine dzidziso nechenjedzo huru kune mumwe nemumwe wedu uye zvichipa muono zvakare wekukosha kwekubatana nekushanda pamwe kuti tigokunda chirwere ichi.”
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Ngatipfekei mamasiki edu, tozora sanitizer, toita hutsanana uye togara kudzimba.”




