Ongororo yemhando itsva yechirwere cheCovid-19 yoitwa

Munyori weKwayedza

ZIMBABWE iri kuita ongororo yekuona kuti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 – iyo yakanyuka kuSouth Africa – yakapinda here munyika muno panguva iyo Hurumende iri kushanda pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation muchirongwa chekutenga mushonga wakatenderwa wekudzivirira kupararira denda iri.

Bazi rezvehomwe yenyika rakaisa padivi US$100 miriyoni yekutenga mushonga wekudzivirira Covid-19 kuburikidza nekubaya majekiseni kuchikamu che60 percent chevanhu vari munyika muno.

Svondo rapera, Dr Raiva Simbi – avo vanove Deputy Director of Laboratory Services mubazi rezveutano nekurerwa kwevana – vakati pane fungidziro huru yekuti mhando itsva yechirwere cheCovid-19 yakanyuka kuSouth Africa iri kutenderera muZimbabwe.

“Hongu, tinotsinhira kuti pane mhando itsva yechirwere ichi chiri kutenderera muvanhu, asi hapasati pave neumboo hunotaridza izvi kubva kuongororo,” vanodaro.

Covid-19 chirwere chine mipanda yakawanda inonzi inogona kusvika 30 000.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Robert Mudyirandima, vagara vachiratidza kushushikana nenzira dzakasiyana dzekuedza kurapa varwere veCovid-19 vachiti panofanirwa kuve nenzira imwe chete kuitira kuti pasave nenyonga-nyonga.

“Izano rakanaka, inhau yatagara tichishungurudzika nayo sebazi rezveutano nekurerwa kwevana uye tichiita hurukuro kuti vanhu vari kungorapwa nenzira dzose-dzose.

“Pari zvino hapana nzira yakawiriranwa pasi rose yekurapa Covid-19 saka pane zvakawanda zviri kutaurwa asi panguva ino tinofanirwa kuve nenzira yakajeka yatinoti ndiyo inotevedzwa (Covid-19 treatment kit) nevanhu vose vatiri kuti vaende kudzimba, pamusoro pematanho ekudzivirira denda iri,” vanodaro.

Zvakawanda zviri kutaurwa maringe nekurapwa kwevarwere veCovid-19 kusanganisira kushandiswa kwemishonga yechivanhu.

Nguva pfupi yadarika, sangano reMedical and Practitioners Council of Zimbabwe rakapa yambiro kune veruzhinji kuti vangwirire vamwe vanhu vari kuti vanokwanisa kurapa chirwere ichi.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×